Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa Murwendo rweKumusangano weKuzeya Gwaro reBumbiro Idzva

  • Violet Gonda

Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, inoti musangano wekuzeya gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika uchaenderera mberi zvisinei kuti mamwe masangano anoshanda akazvimiririra, ari kutyididzira kuti acharamba kupinda mumusangano uyu.

Masachigaro maviri eCOPAC, anoti VaPaul Mangwana veZanu PF, pamwe naVaDouglas Mwonzora veMDC-T, vaudza vatori venhau neChishanu muHarare kuti masangano akazvimirira asati anyoresa kuti anyorese kuitira kuti apinde mumusangano uyu.

VaMangwana vati masangano akazvimirira anoshanda ari pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition, nemamwe ari pasi peNational Association of Non-Governmental Orgnasations, NANGO, ainge aratidza kusafara nenyaya yekutiCOPAC yaiti vanofanira kunyoresa kupinda mumusangano uyu vari pasi pemapato matatu ari muhurumende.

VaMwonzora vatiwo pane mamwe masangano akawanda anoshanda akazvimirira asiri pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition neNANGO akatonyoresa kupinda mumusangano we Second All Stakeholders Conference.

Asi Crisis in Zimbabwe Coalition neNANGO anoti anyorera kumuyananisi pagakava remuZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vachitsutsumwa nenyaya yekuti vakanzi neCOPAC vanyorese vari pasi pemapato ezvematongerwo enyika.

Mukuru weBulawayo Agenda, VaThabani Nyoni, uye vari mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti masangano akazvimirira, basa rawo harisi rekumira ari pasi pemapato ezvematongerwe enyika, asi kuti anofanirwa kuzvimirira.

Musangano uri kukonzera mutauro uyu uchatanga neSvondo panenge pachisvika vanhu, uye uchipera neChipiri svondo rinouya.

Muzinda weAmerica muZimbabwe unoti uchatuma nhumwa dzawo kunoona mafambiro achange achiita chirongwa ichi.

Muzinda weAmerica hausi iwo wega uchatumira nhumwa sezvo mimwe mizinda yenyika dziri muZimbabwe, ichatumirawo nhumwa dzichanoona mafambiro emusangano uyu.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaThabani Nyoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG