Accessibility links

Breaking News

CHRA Yoisa Pfungwa Dzayo muBhajeti yeHarare


Rimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare re Combined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, rinoti guta reHarare rinofanirwa kushandisa mari yebhajeti rayo repagore inosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana kumabasa anobatsira vagari vemuguta iri.

Sangano iri rinoti zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari iyi, zvinofanirwa kushandiswa mukubhadharwa vashandi vekanzuru nezvimwe zvinoshandiswa nevashandi aya. Izvi zvatsanangurwa neCHRA mugwaro rairi kuendesa kukanzuru yeHarare.

CHRA inotiwo haisi kufara nechirongwa chekanzuru chekunzwa pfungwa dzevagari maererano nezvanoda kuti zviitwe muhurongwa hwemashandisirwo emari nekanzuru.

Sangano iri rinoti Harare haisi kushambadza zvakanaka misangano iyi, izvo zviri kupa kuti vanhu vashoma vaende kunopa pfungwa dzavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru panyaya iyi.

Vanoona nezvemabasa erimwe sangano revagari vemuHarare, re Harare Residents Trust, Va Precious Shumba, vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kuita zvido zvevanhu vanobhadhara mitero.

XS
SM
MD
LG