Accessibility links

Breaking News

CHRA Yoshora Muitiro waVaChombo


VaIgnatius Chombo
Rimwe remasangano anomirira vagari vemu Harare, re Combined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, rinoti harisi kufara nedanho rakatorwa negurukota rezvematunhu, Va Ignatius Chombo, rekuti meya weHarare, Va Bernard Manyenyeni, vadzosere pabasa munyori wekanzuru ye Harare, Va Tendai Mahachi, mushure
mekumbomiswa svondo rapera.

VaManyenyeni vakambomisa VaMahachi kwemwedzi mitatu vachivapomera mhosva yekuzvidza zvisungo zvekanzuru pamusoro pemari yemuhoro yakawandisa yavanonzi vari kutambira.

Sachigaro weCHRA, Va Simbarashe Moyo, vanoti zviri kuitwa naVa Chombo kusimbaradza huori mukanzuru. Vati havasi kufara nekupindira kuri kuitwa naVa Chombo mumafambisirwo anoitwa zvinhu mukanzuru yeHarare.

Va Moyo vaenderera mberi vachiti sangano ravo richatora matanho akasimba
nenyaya iyi anosaganisira kuenda kumatare, kusabhadhara mitero
kukanzuru pamwe nekuratidzira kwavati kuchatanga neChishanu svondo rino.

Mashoko aVaMoyo anotevera mashoko erimwe remasangano evagari vemuHarare, reHarare Residents Trust.

Vachitaura neStudio7 neMuvhuro, mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vakatiwo vari kushushikana zvikuru nemaitiro aVaChombo, avo vari kuramba vachipindira mumashandiro ekanzuru yeHarare. VaShumba vakati sangano ravo riri kuronga kuratidzira kusafarira maitiro aVa Chombo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaChombo divi ravo.

Va Mahachi ndemumwe wevanhu mukanzuru yeguta guru vanonzi vari kutambira mari dzakawandisa dzisingaenderane nebasa ravenenge vachiita uku veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG