Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kupa Vanhu Mwedzi Misere Vasati Vabviswa Mavagere


VaIgnatius Chombo
VaIgnatius Chombo
Hurumende inoti vanhu vakavaka dzimba dzavo zvisiri pamutemo vachapihwa mwedzi misère yekugadzirira kutamiswa kwavachaitwa.

Hurumende inotiwo vose vakatyora mutemo panyaya yekutengeswa kwenzvimbo dzekuvakira zvisiri pamutemo vachasungwa.

Vachitura zvakabuda muongororo yavo neChitatu, sachigaro wekomiti yakaumbwa nehurumende kuti iongorore kuvakwa kwedzimba zvisiri pamutemo kuChitungwiza, Seke neRuwa, VaRonald Chimowa, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuChitungwiza nekwaSeke uye hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yevanhu vaingovakira pese pese nechimbi chimbi.

VaChimowa vati pane makoronyera pamwe nemushandirapamwe yakaita seUnited We Stand ne Zano Remba awo akabirwa vanhu vaitsvaga dzimba mari inodarika mamiriyoni makumi maviri emadhora ichivapa pekuvakira dzimba munzvimbo dzisiri dzavo kana dzisingabvumidzwe.

Vati dzimwe nzvimbo dzaipihwa vanhu kuti vavake dzimba ndedziya dzaifanira kuvakwa zvikoro, machechi, migwagwa, nzvimbo dzekuvigira vanhu pamwe nezvimwe zvakadaro.

Vati izvi zvakaitika zvikuru muChitungwiza nekuti vashandi vekanzuru yeko vange vasiri kubhadharwa izvo zvaizoita kuti vashande nemakoronyera pamwe nemishandirapamwe yedzimba mukupa vanhu masitendi munzvimbo dzisingabvumidzwe.

VaChimowa vati kwaSeke masabhuku nemakanzura ange ave kuita pamadiro kupa vanhu pekuvakira sezvo ainge anzwa runyerekupe rwekuti dhorobha reChitungwiza raizovandudzwa rakanangwa munzvimbo dzavo.

Vati zvakakosha kuti mitemo yekuvaka mumadhorobha itevedzwe uye vese vakavakira panzvimbo dzisingakodzeri vanofanirwa kubviswa vopihwa pekuvakira panokodzera. Asi vati vanofanira kupihwa nguva yakakwana yekuita izvi.

Gurukota rematunhu, VaIgnatius Chombo, vati hurumende ichatora matanho mushure mekuzeya zvakabuda muongororo yakaitwa naVaChimowa nevamwe vavo.

Asi vazivisa kuti vese vakaita zvechitsotsi vachasungwa vakati ndosaka mapurisa aive muchikwata chakaita ongororo ichi.

Vamiririri vemakanzuru eChitungwiza neSeke vange vari pachiitiko ichi uye vamwe vavo kubva kuHarare, Ruwa neNorton vange varipowo.

Hurumende yainge yaronga kuputsa dzimba nezvivakwa zvese zviri panzvimbo isingakodzeri ikazoregedza kuita izvi mushure mekuchema chema kweveruzhinji nemasangano anoshanda anorwira kodzero dzevanhu.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG