Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa chekuGhana Chinourayiwa muWestern Cape kuSouth Africa


Chizvarwa chekuGhana chinonzi chaurayiwa muWestern Cape kuSouth Africa, mumhirizhonga inonzi ine chekuita nekurwiswa kwemarudzi nezvizvarwa zvemuSouth Africa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa emuWestern Cape.

Mhirizhonga iyi inonzi yaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa zvitize munzvimbo dzakamboitika mhirizhonga yakadayi.

Executive Director weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti ichokwadi kuti vanhu vava kugara vachityira hupenyu hwavo.

Ukuwo mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, svondo rapera vakanga vari kuSouth Africa uko vakapinda mumusangano wekutarisa dambudziko rekurwiswa kwemarudzi nezvizvarwa zvenyika iyi.


Musangano uyu waikokerwa nesangano reSouth African Council of Churches, uye wakapindwa nemasangano akasiyana siyana. Izvi zvinotevera mashoko ekuti zvizvarwa zveSouth Africa zvaizorwisa vose vekune dzimwe nyika vari munyika iyi panopera mitambo yenhabvu ye2010 Fifa World Cup.

VaMatombo vanoti musangano uyu uchibatsira zvikuru kudzivirira kurwisana kwemarudzi kuri kuitika muSouth Africa.

XS
SM
MD
LG