Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri neMumwe Vanofa Mutsaona kuChisumbanje


MAP OF ZIMBABWE
MAP OF ZIMBABWE
Vanhu vanosvika makumi maviri nemumwe vafa neChitatu munjodzi yemumugwagwa yakaitika kuChisumbanje, mudunhu reManicaland.

Zvinonzi tsaona iyi yaitika apo rhori yeT-35 yange yakatakura vanhu vange vachienda kurufu, yakabonderana nerhori yeGreen Fuel yange yakatakura mafuta ekufambisa eethanol.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti vanhu makumi maviri nemumwe vafa mutsaona iyi, uye vamwe vakakuvara. Vanotiwo padhumhana motokari idzi rhori yange yakatakura mafuta yabva yabatira moto.

Senior Assistant Commissioner Charamba vanotiwo kusvika pari zvino havasati vaburitsa mazita evanhu vashaya nekuti vazhinji vavo vatsva nemoto zvapa kuti vasatombozivikanwa kuti ndivanani.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, kambani yeGreen Fuel inoti iri kubatana nemhuri yekuChisumbanje mukuchema vanhu vashaya ava.

Njodzi yekuChisumbanje iyi inouya mazuva mashoma shoma apfuura apo vamwe vanhu vanomwe vemhuri imwe chete, vakafa kuGweru mushure mekunge motokari yavo yabonderana nebhazi.

Njodzi dzemumigwagwa dziri kurambawo dzichiwanda munyika vamwe vachiti vatyairi ndivo vari kudzikonzera vamwe vachiti migwagwa haina kumira zvakanaka.

Mugari wekuChisumbanje, VaClaris Madhuku, avo vanoti vanoziva vanhu vashaya sezvo vamwe vacho vari hama dzavo. VaMadhuku vanoti mugwagwa waitikira njodzi iyi hauna kumira zvakanaka.
XS
SM
MD
LG