Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheManyoka Chonetsa muMbare


Sangano reHarare Resident Trust, kana kuti HRT, rinoti mhuri dzinosvika makumi maviri dziri kufungidzirwa kuti dzakabata chirwere chekorera munzvimbo yeJourburg Lines kuMbare muHarare.

Zvinonzi vanhu ava vari kuita manyoka pamwe nekurutsa, izvo zviri kupa kuti pafungidzirwe kuti vangangove vakabatwa nechirwere chekorera.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kutaura nebazi rezvehutano kuti tinzwe kuti riri kubata seyi dambudziko iri, vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vanhu vagere kuma Jourburg Lines vangangodaro vaine chirwere chekorera.

Zvinonzi dambudziko iri rakatanga kuzivikanwa neChitatu chapfuura, uye vanhu ava vakaenda kunorapwa kumakiriniki epaMatapi neMbare. HRT inoti haisati yanzwa kubva kumakiriniki aya kuti vanhu vakauya kuzorapwa ava vakanga vachinetswa nezvirwere zvipi.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaBlessing Chebundo, vanoti nepamusana pekushaya mvura yakachena, vanhu vari mumaguta akawanda vakatarisana nedambudziko rekorera.

VaChebumdo vanoti nguva ino muZimbabwe inozivikanwa nenyaya yedambudziko rekorera, nokudaro hazvivashamisi kana iri korera zvechokwadi yanetsa kumaJourburg Lines.

Mugore ra2008, vanhu vanopfuura zviuru zvina vakafa nechirwere chekorera, vakawandisa vacho vari vanhu vaigara mumusha weBudiriro.

XS
SM
MD
LG