Accessibility links

Chirwere cheRurindi Chonetsa Munyika

  • Sandra Nyaira

Sangano rePopulation Services International (PSI) rinoti Zimbabwe ine dambudziko guru rekurwisa chirwere cherurindi, kana kuti TB.

Dambudziko iri rinonzi raipa zvekuti Zimbabwe iri pachinhanho chechipiri pasi rose munyika dzine vanhu vari kufa zvakanyanya nechirwere ichi.

Mugwaro rayo idzva, PSI inoti chirwere cheTB muZimbabwe chiri kunyanya kusangana nevanhu vari kurarama neHIV.

PSI inoti nyaya yekushaikwa kwemichina inoongorora nechimbi chimbi chirwere cheTB, rimwezve dambudziko riri munyika.

PSI inotiwo dambudziko iri rinogona kugadziriswa kana hurumende ikaramba ichitevera dambudziko iri nekuti TB inoramba kurapika ichiri shoma zvikuru munyika.

PSI iri kukurudzirawo veruzhinji kuti vaende kunoongororwa kuti vane TB here kana kuti kwete.

Gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vanoti bazi ravo riri kushanda zvakasimba kuti vaite zvirongwa mumaruwa zvekuti vanhu vawane mishonga.

XS
SM
MD
LG