Chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chiri kuenderera mberi munzvimbo dzakasiyana siayana. Vagari vekwamutoko vanoti vanhu vakawanda havasi kupinda muchirongwa ichi sezvo vari kufunga kuti izvi dzezvematongerwo enyika.
Sangano reZimbabwe United Residents Association riri kuongorora mafambiro ari kuita chirongwa ichi munzvimbo dzakasiyana siyana.
VaJohn Tafira vari kumirira Zimbabwe United Residents Association kwaMutoko.
VaTafira vanoti veruzhinji kwaMutoko havasi kuziva kuti chirongwa ichi chakamira seyi. Patience rusere westudio7 aita hurukuro navatafira kuti tinzwe zviri kuitika kwaMutoko.
Ava vanga vari nhengo yezimbabwe united residents association, vajohn tafira, vachitaura vari parunhare kwamutoko naPatience Rusere westudio7.
Bato reZANU-PF rinoti hurumende dzekunze dziri kushanda nemasangano ekunze kuti dzifurire vana vezimbabwe kuti varambe kutambira bumbiro remitemo. Izvi zvinotevera kunyunyuta kwakanyanya kubva kumdc nemasangano akazvimirira oga nekurohwa kwenhengo dzawo nevatsigiri veZANU-PF.