Accessibility links

Breaking News

Meya weChinhoyi Anopa Chikafu Vakwegura neVana Vadiki


Christmas
Meya weguta reChinhoyi nemamwe makanzura vafamba vachipa zvekudya kunherera nechembere mumisha mitatu muzuva rekirisimasi.

Meya veChinhoyi, VaTesty Michaels, vapa vanhu ava zvekudya zvinosanganisira mupunga, nyama yehuku, bhinzi, zvihwitsi nezvinwiwa munzvimbo nhatu dzinoti Chengetanai, Nazareth neGood Sherpherd dzinochengeterwa nherera nevakwegura.

Mumwe wevanhu vawana chikafu ichi, Gogo Maggie, avo vanochengetwa paNazareth apo panochengeterwa vakwegura vanosvika makumi matatu, vanoti vafarira kupihwa kwezvekudya uku.

Amai Florence Ndlovu, avo vanozivikanwa saAmbuya Howard, ndivo vakavamba Chengetanai People’s Home mugore ra1987.

Ambuya Howard vakatanga chirongwa ichi nechembere shanu. Vanoti chiitiko ichi ndicho chekutanga kwenguva yakareba vasati vabatsira vakwegura.

Vana makumi mashanu nevatatu vepaGood Sherpherd vanoti vafarira zvekudya nerudo rwaratidzwa nevakuru vemuChinhoyi.

Mumwe wevana ava, Kelvin Samanyika, mumwe wevana vafarira chikafu chavapihwa.

Nzimbo yeGood Sherpherd yakakwanisa kuendesa nherera gumi neimwe kuMupfure Vocational Training Centre nemumwe kuUniversity of Zimbabwe.

Meya Michaels vanoti kutanga mwedzi unouya vachange vopa vanhu ava chikafu ichi mwedzi wega wega.

Meya veChinhoyi vaperekedzwa nemutevedzeri wavo, kanzura Dereck Mutupure, pamwe nemukuru anoona nezvedzimba, VaAndrew Maregere.

Homwe yameya weChinhoyi yakavandudzwa gore rino mushure mekumbomiswa kwemakore maviri nekuda kwekushaikwa kwemari.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG