Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopemberera Kusvika kweGore Idzva muChinhoyi


Kwakanga kusingadaidzwe anonzwa muChinhoyi apo vanhu vaipemberera kusvika kwegore idzva ra 2014.

Mumwe wevanhu ava, Muzvari Petronela Mahachi, avo vanotenga mbatya kuSouth Africa vachidzitengesa muChinhoyi, vanoti vanorumbidza Mwari kuti vapinda mugorera 2014 nekuti vakachengetwa naNyadenga sezvo vamwe vavo vakafa munjodzi yemumigwagwa asi ivo vakapona.

VaDickson Nyajena, avo vanotyaira motokari dzinotakura mafuta edzimotokari kuMozambique, vanotiwo zvinhu munyika zvanga zvakaoma mugore richangopera asi nyasha dzaNyadenga dzakavasesedza gore rose.

Izvi zvatsigirwa naVa Benjamin Mutema avo vanoti nyaya yekungoti vachiri mupenyu uye vasingarware zvakavapa kuti vapemberere gore idzva nemufaro sezvo vachiti vanhu vakawanda vavanoziva vakafa mugore rapera nezvikonzero zvakasiyana siyana .

Muzvare Mahachi vanoti sekukundiswa kwavakaitwa muna 2013, vane tarisiro yekuti vachakunda pane zvose zvavachaita mugore rino.

Kunyange hazvo veruzhinji vasina kufara pazororo rekisimusi, vazhinji vavo vakapemberera kupinda mugore ra2014 nekuridza mabhero edzimotokari, kudaidzira kusvika kwegore idzva, kuridza mumhanzi zvine ruzha rwuri pamusoro, ukuwo vechidiki vachitungidza moto inoputika asi isingapise, kana kuti fire crackers.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG