Accessibility links

Breaking News

China neIndia Dzokwikwidzana Dzichida Mangoda emuZimbabwe


Zvinonzi pakaita makwikwi makuru pakati peChina neIndia mukuda mangoda ekwaMarange kumusangano mukuru wezvemighodhi nekutengesa zvicherwa, uyo wakaitirwa kuIndia kutanga neMuvhuro ukapera neChina.

India yakavimbisa kumusangano uyu kuisa mari zhinji mumabasa ane chekuita nemangoda emuZimbabwe mwedzi wega wega. Nyika iyi inotiwo ichadzidzisa vanhu vemuZimbabwe macheneserwo anoitwa mangoda.

Kunyange hazvo makambani enyika dzekumabvazuva ari kuda kushanda neZimbabwe panyaya yemangoda, mabhanga anokweretesa pasi rose anoti haakwanisi kukweretesa makambani ari kuchera mangoda kana zvimwe zvicherwa muZimbabwe nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira.

VaSupa Mandiwanzira ndivo mutungamiri we Affirmative Action Group. VaMandiwanzira vanoti vakashamiswa nekudiwa kuri kuitwa mangoda eZimbabwe nenyika zhinji kumusangano uyu.

XS
SM
MD
LG