Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Soro Rorasa Mutemo Unodzvanyira Vatori veNhau


Dare rinoona nezvekuremekedzwa kwebumbiro remitemo yenyika, re Constitutional Court, rinoti zvimwe zvikaumu zvemutemo weCriminal Law (Codification and Reform ) Act zvinoita zviri kunze kwebumbiro renyika, nokudaro ngazvibviswe.

Chikamu chemutemu uyo chanzi hachisi mugwara rebumbiro remitemo chinorambidza vanhu kana vatori venhau kutaura kana kunyora mashoko anofungirwa kuti angangokanganisa mashandiro emauto kana mapurisa.

Mutongo uyu waturwa neChitatu zvichitevera chichemo chakakwidzwa kudare iri nevaimbova mupepeti webepanhau reThe Independent, VaConstantine Chimakure, mushure mekunge vasungwa pasi pemutemo uyu vachinzi nyaya yavainge vaburitsa mupepanhau ravo yaive nechinangwa chekukanganisa mashandiro emapurisa.

Bepanhau re The Independent rainge raburitsa nyaya yekuti mapurisa ainge apamba mukuru we Zimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, pamwe nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu muna 2008.

Asi VaChimakure vakakwidza nyaya iyi kudare iri vachiti mutemo wakashandiswa mukuvasunga unotyora kodzero dzavo dzekunyora nhau pamwe nekutaura zvavanoda.

Dare iri rabvumirana naVaChimakure richiti mutemo uyu unopikisana nebumbiro remitemo yenyika, iro rinopa vanhu kodzero dzekutaura zvavanoda zvikuru sei pamapazi ehurumende akaita semauto nemapurisa.

Dare iri ratiwo gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanira kuuya kudare iri kuzopa zvikonzero zvekuti seyi mutemo uyu usabviswe.

Mune imwe nyaya yanyanduri wekuBulawayo, Owen Maseko, uyo akasungwa nemutemo mumwe chetewo muna 2010 achipomerwa mhosva yekunyomba mutungamiriri wenyika, kuburikidza nezviratidzwa zvake zvezvaanoti ndizvo zvakaitika munguva yeGukurahundi, dare iri rati zvakare mutemo uyu unombunyikidza kodzero dzevanhu uye unopikisana nebumbiro remitemo yenyika.

Mune imwewo nyaya, dare iri raramba kunzwa nyaya yaVaTendai Danga vekuBulawayo avo vakasungwawo nemutemo uyu vachipomerwa mhosva yekunyomba mutungamiri wenyika mune rimwe bhawa mumusha weNorthend kuBulawayo kwakare.

Mutevedzeri wemutongi mukuru wematare edzimhosva, Justice Luke Malaba, vati mapurisa anofanira kusiyana nekungosunga sunga vanhu zvikuru sei mumabhawa vachiti mapurisa ndiwo ave kutosvibisa zita remutungamiri wenyika.

Vati zvimwe zvinhu zvinotaurwa vanhu vakadhakwa uye mapurisa anofanira kurega nyaya idzi dzichiperera kumabhawa ikoko.
XS
SM
MD
LG