Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheZimbabwe Chokundwa NeSouth Africa Asi Choramba Chakashingirira


Kunyange hazvo chikwata che Zimbabwe Cricket chakakundwa nechikwata chekuSouth Africa nemawiketsi masere nezuro, Zimbabwe iri kutarisira kuti iratidze hunyanzvi hwevatambi wayo pamutambo wekupedzisira uchatambwa ne Chishanu.

Pari zvino South Africa ndiyo yatora makwikwi aya sezvo yakakunda Zimbabwe pamitambo yavo yese.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano re Zimbabwe Cricket, va Jeffrey Murimbechi, vanoti chikwata chavo hachisati chakanda mapfumo pasi sezvo vane tarisiro yekuti vatambi vachawana mukana wekutora mibairo apo vachatamba neSouth Africa iyo inehukurumbira pasi rose.

XS
SM
MD
LG