Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheLengthens Chopinda Muma Smi-Finals Emukombe BancABC Super 8


Chikwata che Lengthens chakunda chikwata che Gunners 1-0 mumutambo we Banc ABC Super-8 quaterfinals watambirwa kunhandare yeRufaro nhasi masikati.

Zvikwata zviviri izvi zvakambotamba pamwe mavhiki apfura zvikaita mangange 1-1 pamutambo wakatambwa kunhandare yeRimuka kuKadoma.

Team manager ve Lengthens, va Robert Matoka, vanoti matambiro aita chikwat chavo nhasi afadza vatsigiri vechikwata ichi kunyangwe zvazvo mumwe wevatambi vavo atsokagumbo mumutambo uyu izvo zvichaita kuti atadze kutamba pamutambo wema semi-finals.

Mune mumwe mutambo wePremier League watambirwa kunhandare Barbourfields muBulawayo nhasi, Highlanders yaita mangange 0-0 ne Bantu Rovers.

XS
SM
MD
LG