Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kubhadhara Vashandi vekuMatare Mari Dzine Musoro


VaGodfrey Chidyausiku
Mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaGodfrey Chidyausiku, vaparura kushanda kwematare edzimhosva gore rino vachirumbidza matare amajisitireti nekunzwa nyaya dzese dzakakwidza kwaari gore rapfuura zvisinei kuti zvinhu zvange zvakaoma uye ange asina mari yakakwana.

VaChidyausiku vati dare reSupreme court rakashandawo zvakashandawo zvakanaka asi vakati zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka mumatare eHigh Court nedare rinozni nyaya dzevashandi reLabourt Court.

Vati pane matanho avari kutora kutona kuti matare maviri aya anzwa nyaya dzese nekukasika vachiti matare aya ari kunzwa nyaya shoma kana zvikaenzaniswa nenyaya dziri kukukwidzwa kumatare aya.

Vati zvinonetsa kuuongorora kuti dare rinoona nenyaya dzezvemutemo rakashanda sei sezvo rakaumbwa gore rapfuura.

Vatiwo dare iri rakanzwa nyaya shomanana uye vari kuronga kuvandudza mashandire aro kuitira kuti ritambire nyaya dzine musoro chete kwete nyaya dzisina maturo.

VaChidyausiku varatidza kusafara nenyaya yekuti hurumende iri kutadza kubhadhara vatongi zvinovagutsa vachiti izvi zvinogona kukanganisa mashandiro amatare.

Mukuru wesangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe, VaLlyod Mhishi, vati vanobvumirana naVaChidyausiku kuti vatongi vanofanira kutambiriswa mari dzinovafadza.

Gore rega rega, kutongwa kwenyaya kunoparurwa zviri pamutemo nemukuru wevatongi vematare edzimhosva

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG