Accessibility links

Breaking News

Chibvumirano cheGPA Chinosvitsa Makore Matatu Chaumbwa


Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare (File Photo - April 18, 2011)
Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare (File Photo - April 18, 2011)

Chibvumirano che Global Political Agreement chiri kubvarurwa pamwe nekutsikwa-tsikwa nevamwe vari mumapato akabvumirana kuumba hurumende yemubatanidzwa.

Chibvumirano chezvematongerwo enyika chakaumba hurumende iripo muZimbabwe, chakasvitsa makore matatu neChin.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa musi wa Gunyana 15 2008 pakati pemapato matatu ezvematongerwo enyika anoti ZAN-ZF neMDC mbiri.

Chibvumirano che Global Political Agreement, kana kuti GPA, chiri kubvarurwa pamwe nekutsikwa-tsikwa nevamwe vari mumapato akabvumirana kuumba hurumende yemubatanidzwa.

Pane kupesana kukuru pakati pemutungamiri weZANU-PF, Va Robert Mugabe, nemutungamiri weMDC huru, vaMorgan Tsvangirai, pazvinhu zvinofanirwa kutevedzerwa mukuita basa rehurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vanoti havasi kufara nezviri kuitwa naVaMugabe, avo vari kuita humbimbindoga muhurumende, vachigadza vanhu muzvinzvimbo zvepamusoro muhurumende vasina kugara pasi nevamwe vavo.

VaMugabe vakagadza magavhuna ematunhu enyika vasingatevedzeri zvavakawirirana muGPA. Nyaya iyi haisati yagadziriswa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti pasi pemutemo unobata GPA, uyo wakazoitwa Constitutional Amendment Number 19 mubumbiro remitemo yenyika, VaMugabe havana masimba ekuita zvinhu vega, sezvavaichiita pasati pava nehurumende yemushandira pamwe.

Mutemo mutsva uri pasi pe Amendment Number 19, unobvisa masimba ose ana VaMugabe pasi pebumbiro remitemo yenyika, kuitira kuti muhurumende iripo muve nekugovana kwemasimba kwechokwadi.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinotiwo VaMugabe vari kushandisa masimba avakanga vainawo pasati pava ne Amendment Number 19, izvo dzinoti zvinotyora chibvumirano cheGPA.

Pari zvino VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe panyaya yekutara zuva resarudzo. VaMugabe vakataura masvondo mashoma apfuura kuti sarudzo dzinofanirwa kuitwa chero nguva gore rinouya mwedzi waKurume usati wapera. Vakambenge vachiti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa gore rino risati rapera.

Ukuwo VaTsvangirai vanoti hazvigoni kuti sarudzo dziitwe gore risati rapera, sezvo paine zvakawanda zvinofanirwa kutanga zvagadziriswa, zvakaita sekuvandudza mitemo yesarudzo, pamwe nekubvisa mauto nemapurisa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Izvi zviri kutsigirwawo ne MDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube. ZANU-PF inotiwo panguva yakaumbwa chibvumirano che GPA, MDC-T yaida kuti hurumende yemushandira pamwe ivepo kwemakore maviri chete, ukuwo ZANU PF ne MDC diki dzichiti hurumende ngaishande kwemakore mashanu.

ZANU-PF inoti MDC-T yava kuchemereyi kana yaida kuti hurumende yemushandira pamwe ivepo kwemakore maviri chete, kana zvava kunzi sarudzo dziitwe.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti muchato uripo pakati pemapato matatu aya, hausi kushanda zvachose.

XS
SM
MD
LG