Accessibility links

Breaking News

Alyce Chavunduka Anoradzikwa kuGlen Forest muHarare


Alyce Chavunduka
Alyce Chavunduka
Mushamarari akaita mukurumbira apo aishanda kuZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC neSouth African Broadcasting Corporation, SABC, Alyce Chavunduka, uyo akashaya kuSouth Africa svondo rapfuura, aradzikwa neMuvhuro kumarinda eGlen Forest muHarare.

Hama, shamwari nevaakashanda navo vatsanangura Alyce semunhu aiziva basa rake achishanda nesimba izvo zvakaita kuti abudirire chose muZimbabwe nekuSouth Africa.

Hanzvadzi yemufi, VaDavis Chavunduka, vati mhuri yekwaChavunduka yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaAlyce.

Mukuru weStar FM, VaAdmire Taderera, avo vakashandawo naAlyce apo vaive kuZBC, vatsanangura Alice semunhu aigona basa rake vakati ashaya apo ruzivo rwake rwange rwuri kudiwa mukubatsira vechidiki vachangopinda mubasa rekutepfenyura.

Alyce akashaya mushure mekugara muchipatara kwesvondo rimwe uye kushaya kwake kunotevera kushaya kwababa vake, VaGordon Chavunduka, avo vakashaya gore rapera.

Alyce, uyo anga ava nemakore makumi mana nematanhatu ekuberekwa, akatanga kuita zvirongwa zvevechidiki panhepfenyuro yeZBC apo aive nemakore gumi nemaviri.

Nekupindana kwenguva, mufi akasimudzirwa mumabasa ake kudzamara ava muverengi wenhau dzechirungu paPockets Hill.

Alyce akabuda munyika kuma 1990s akanoshanda ku South Africa, uko akanova muverengi wechitema wekutanga, uye wechidzimai kuverenga nhau dzechirungu pa SABC TV.

Mufi akaita tsaona mbiri ari mu South Africa, idzo dzakasiya dzavhiringa hutano hwake.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG