Accessibility links

Breaking News

MDC Inomisa Hurumende Kupa Muzvare Khupe Mari Inopihwa Mapato Ari Muparamende


Finance Minister Mthuli Ncube
Finance Minister Mthuli Ncube

Dare repamusoro rambomisa gurukota rezvemitemo,VaZiyambi Ziyambi, pamwe negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kupa MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe mari pasi pemutemo unobata mari dzinopihwa mapato ari muparamende.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Priscilla Munangati Manongwa, vakatura neChina mutongo wekumisa VaZiyambi naVaNcube kuti vape chikwata cheMDC-T chiri kuzviti ndicho bato riri pamutemo mari inopihwa mapato anenge akamiririrwa muparamende pasi pemutemo unoona nezvemari dzemapato kana kuti Political Parties (Finance) Act.

Bato reMDC riri kufanira kupihwa mari inoita mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu zvemadhora ari maRTGS.

Vari kuziva zviri kuitika vanoti MDC yaVaNelson Chamisa yakamhanyira kumatare mushure mekunge chikwata chaMuzvare Khupe changa chanyora matsamba kumabhanga chichida kubvisa nhengo dzaVaChamisa pamazita evanhu vanofanirwa kusaina magwaro ekutora mari mubhanga mebato iri re Steward Bank.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVaChamisa, VaLuke Tamborinyoka, vati vafara zvikuru nemutongo wedare.

Asi VaMorgen Komichi, avo vave kuzviti ndivo sachigaro webato zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court uyo wakati VaChamisa havana kutevedzera mutemo webato ravo kuti vave mutungamiri weMDC, vati vachatora matanho ekuti vapihwe mari iyi sezvo vari ivo vatungamiri vebato vari pamutemo.

Asi VaTamborinyoka vati ndivo vane kodzero yekupihwa mari iyi sezvo nhengo dzeparamende dzeMDC idzi dzakapinda muparamende dzichishandisa zita ravo.

Asi VaKomichi vati VaChamisa nevamwe vavo vanofanira kutevedzera mutemo.

Zvichakadai, rimwe gweta remuHarare, VaKudzai Kadzere, vati mutongo wedare uyu unogona kupikiswa mukati memazuva gumi.

VaZiyambi vaudza Studio7 parunhare kuti vanogona kuisawo mapepa avo kudare mukati memazuva gumi kana vachida kupikisa mutongo uyu sezvaturwa nedare.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, pamwe negurukota rezvemari kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vakadomwawo mumapepa ari pamberi pedare.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti provisional order yakapihwa nedare redzimhosva chizivo kuvanhu vakadomwa kuti kana vasina kupikisa nyaya yakaunzwa mudare iri neMDC yaVaChamisa, dare iri rinogona kuzadzisa mutongo waro wekuti mari iyi ipihwe MDC yaVaChamisa.

Aka hakasi kekutanga MDC ichirwira mari idzi.

Muna 2006, mushure mekunge vaive munyori mukuru weMDC, VaWelshman Ncube, vapesana naVaMorgan Tsvangirai muna Gumiguru 2005 ndokuumba MDC yavowo, vakaenderera mberi vakapihwa mari yeMDC yose inopihwa mapato, chikwata chakasara naVaTsvangirai, icho chaive nenhengo dzakawanda muparamende, chikasawana kana kobiri zvaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG