Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheGomarara Chouraya Vanhu Vakawanda Munyika


Madzimai akamirira kuongororwa gomarara repamuromo wechibereko kuMhangura, mudunhu reMashonaland West.
Madzimai akamirira kuongororwa gomarara repamuromo wechibereko kuMhangura, mudunhu reMashonaland West.

Zimbabwe imwe yenyika gumi dziri pamusoro dzine vanhu vari kurwara nekufa nezvirwere zvemagomarara akasiyana.

Vachitaura neChitatu kuMhangura pakushanya kwemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, mukuru mubazi rezvehutano munyika, VaGeorge Madzima, vati Zimbabwe imwe yenyika gumi dziri pamusoro nekuda kwevanhu vakawanda vanorwara nezvirwere zvemagomarara.

VaMadzima vati madzimai anodarika zviuru zviviri ari kufa pagore nechirwere chegomarara rechibereko.

VaMadzima vati vanotenda kuti huwandu hwavanhu vari kufa nzvirwere remagomarara huchadzikira sezvo vezvematongerwo enyika vapindira mukurwisa zvirwere zvemagomarara.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Amai Mnangagwa vatiwo vanzwa kuti muMhangura mune vanhu vakawandisa vari kurwara nezvirwere zvepabonde vakakurudzira vanhu kuti vanorwapwa.

Kunyange hazvo Amai Mnangagwa vanga vafambira nyaya dzezvehutano, vasvikosangana nematambudziko ekushayikwa kwezvekudya uye kushomeka kwezvikoro zvepasi kana kuti primary.

Chiremba mukuru wepachipatara cheMhangura icho chinotungamirirwa nekereke yeZimbabwe Christian Church, Dr Henry Goshimi, vabvuma kuti zvirwere zvepabonde zvakawandisa muMhangura.

Madzimai anodarika mazana maviri aongororwa chirwere chegomarara repamuromo wechibereko uye vamwe vapihwa mapiritsi ekuronga mhuri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG