Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Hurumende Bhajeti Rakajeka


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Apo nyika yakamirira kuturwa kwehurongwa hwekushandiswa kwemari yenyika gore rinouya uko kuchaitwa mangwana, vamwe vana muzvinabhzimisi muGweru vanoti hurongwa uhu hunopa nyika mukana wekuedza kumutsurudza maindasitiri pamwe nekusimudzira hupfumi hwenyika.

Vachipa zvavanotarisira kuve mubhajeti yegore ra2014 vamwe vana muzvinabhizimisi vemuGweru vanoti vanotarisira kuti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vachatora matanho achaita kuti zvinhu zviri kunetsa munyaya dzehupfumi zvigadziriswe.

VaTrust Chikohora ndemumwe muzvinabhizimisi wemuGweru uye vari munyori mukuru wesangano reComesa Business Council.

Kunyange hazvo vachibvuma kuti nyika yakatarisana nematambudziko makukutu, VaChikohora vanoti bhajeti iyi inopa mukana wekuti VaChinamasa vatore matanho achaita kuti matambudziko ekushaikwa kwemari nevemakambani pamwe neveruzhinji agadziriswe.

VaChikohora vanotiwo chimwe chinhu chikuru chiri kunetsa mune zvehupfumi inyaya yekuti vemabhizinesi vekunze vangade kusima mari yavo munyika havagutsikane kuti vanokwanisa kuzowana pundutso mushure mekunge vasima mari yacho muZimbabwe.

VaChikohora vanoti VaChinamasa vane mukanawo wekugadzirisa chimiro cheZimbabwe nekutura hurongwa hunonyatsoburitsa mitemo inokwezva vana muzvinabhizimisi vekunze vangade kusima mari yavo munyika.

Mumwe mudzidzisi wezvebudiriro paMidlands State University, VaVincent Chakunda, vanobvumiranawo nemaonero ekuti VaChinamasa vane mukana wakanaka wekugadzirisa mamiriro ezvehupfumi.

VaChakunda vanoti nekuda kwekuti zvesarudzo zvakapera, VaChinamasa vanofanirwa kuita bhajeti inogadzirisa matambudziko enyika pasina kuisa zvematongerwo enyika mukati uye vanogona kuumba hwaro hwekugadzirisa hukama nenyika dzekumadokero kana vakaburitsa pachena kuti vane hurongwa hupi hwekudyidzana nemasangano akadai seWorld Bank neInternational Monetary Fund.

VaChakunda vanotsinhirawo kuti zvakakosha kuti Zimbabwe iwane vemabhizimisi vekunze vanosima mari munyika.

Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa pakambani yeMidlands Metals iyo inogadzira simbi dzakasiyana-siyana, VaTendai Karimazondo, vanotiwo VaChinamasa vanofanirwa kubuda nemitemo inonyatsobatika kuti mari inodiwa nevemaindasitiri iwanikwe, uyewo kuti magetsi nemvura zvisagare zvichishaikwa kuitira kuti maindasitiri agokwanisa kunyatsoshanda zvakanaka.

Vaimbove gurukota rezvemari uye vari munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, vanoti hapana chavanotarisira chichabuda pabhajeti yegore rinouya sezvo vachiti nyika haina mari uye hurumende yeZanu PF haina kana zano rekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kunzwa divi raVaChinamasa, hurumende inoti ichashandisa zviri mugwaro idzva rezvehupfumi re Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-economic Transformation mukuvandudza hupfumi hwenyika, pamwe nekugadzirisa hukama hweZimbabwe nenyika dzepasi rose.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG