Accessibility links

Breaking News

Biti: Hurumende Inogona Kuparara Kana Gakava Rikasagadziriswa


Gurukota rinoona nezvemari uye vari munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaTendai Biti, vanoti hurumende yemubatanidzwa inogona kuparara kana zviri kunetsa mairi zvikasagadziriswa nechimbichimbi.

Vachitaura nemusi weChipiri kuNational Press Club muWashington DC muAmerica, VaBiti vakayambiya mutongi gava munyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri we South Africa, VaJacob Zuma, pamwe chete nenyika dzemuSadc kuti vapindire mugakava riripo munyika, sezvo nhaurirano pakati pe MDC neZanu PF, dziri kuramba kupera.

VaBiti vakatiwo kana pakasagadziriswa nyaya yezviri kunetsa mu Global Political Agreement, zvinhu zvakatarisirwa neruzhinji zvinenge nyaya yebumbiro idzva remutemo yenyika, zvinogona kutadza kubudiria.

VaBiti vakatorawo mukana uyu kuudza veruzhinji nenyika dzepasi rose, kuti Zimbabwe inoda rubatsiro rwepachena rwemari inosvika mabhiriyoni masere emadhora eku America, kuitira kuti ikwanise kumutsiridza hupfumi hwayo.

VaBiti vakatiwo Zimbabwe haikwanise kubhadhara chikwereti chayo, uye zvinoda makore matanhatu vanhu vemuZimbabwe kuti vange vachipona nemushana chete kuti Zimbabwe ikwanise kubhadhara chikwereti ichi.

Zimbabwe ine chikwereti chemabhiriyoni matanhuatu ku World Bank, IMF, Paris Club pamwe chete ne African Development Bank. Vakatiwo nyika ichakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari yekubhadara vashandi vayo, uye kuzadzikisa zvirongwa zvayo. Naizvozvo, VaBiti vanoti nyika dzepasi rose dzinofanirwa kubatsira Zimbabwe.

Pavakabvunzva neStudio7 kuti bato ravo rakamira papi panyaya yezvirango zvakatemerwa vakuru veZanu PF, avo vanosanganisira VaRobert Mugabe, VaBiti vakaramba kupindura mubvunzo uyu. VaBiti vanonzi vachasangana nevakuru ve World Bank, IMF pamwe chete neve hurumende yeAmerica, vasati vabuda mu America

XS
SM
MD
LG