Accessibility links

Bhuku Idzva Rinotaura Zvakaitika Muhondo Rinodhindwa

  • Violet Gonda

Kwemakore akawanda zvizvarwa zveZimbabwe zvanga zvichichema chema pamusoro pekushaikwa kwezvinyorwa zvinonyatsorondedzera zvakaitika munguva yehondo.

Zvizhinji pamusoro pehondo yerusununguko zvinonzi zvakarerekera kudivi reZANU PF, kana kuti zvinodiwa nehutungamiri hwe ZANU PF izvo zvanga zvopa kuti vanhu vafunge kuti chokwadi chaicho hachisi kuburitswa.

Kubva makore mashoma apfuura, vanhu vane chekuita nehondo vakatanga kunyora mabhuku avo vachitaura divi rimwe iro ZANU PF yaisada kuti veruzhinji vazive.

Vakatanga vanosanganisira Amai Vesta Sithole, mudzimai wamushakabvu Ndabaningi Sithole, avo vaimbotungamira ZANU. Amai Sithole vakanyora bhuku rinonzi “My Life With An Unsung Hero’.

Vaimbova munyori mukuru muZanu PF, Va Edgar Tekere, vakanyorawo bhuku ravo Memoirs, ‘A Lifetime of Struggle’, iro rinonzi rakatsamwisa zvikuru mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe.

NeMuvhuro mumwe wevakarwa muhondo yerusununhguko, Va Wilfred Mhanda, avo vaizivikanwa muhondo nerekuti Dzinashe ‘Dzino Machingura, vanyorawo bhuku ravo ‘Dzino, Memories of a Freedom Fighter’, iro riri kupembedzwa richinzi riri kuburitsa chokwadi changa chisingazivikanwe neveruzhinji uye kuti Va Mugabe vakasvika sei pakutungamira ZANU PF nenyika yose.

Va Machingura vanoti chaita kuti vanyore bhuku iri chido chavo chekutaura chokwadi chezvakaitika munguva yehondo.

XS
SM
MD
LG