Accessibility links

Breaking News

Bhodhi re Mbada Holdings Rotsamwisa Komiti yeParamende


Komiti yeparamende inoyambira Mbada Holdings kuti inogona kusungwa ikaramba ichizvidza komiti iyi.

Bhodhi reMbada Holdings, kambani iri kuchera mangoda kwaMarange, ratadza kumira pamberi pekomiti yedare reparamende iri kuongorora nyaya yemangoda aida kutengeswa neMbada zvisiri pamutemo, pamwe nekucherwa nekutengeswa kwemangoda ekwa Marange.

Svondo rapera, komiti iyi yakaramba kunzwa mukuru we Mbada Diamonds, VaRobert Mhlanga, vachipa humbowo hwavo kudzamara vamwe vavo mubhodhi yekambani iyi vazvipira kukomiti iyi.

Asi Va Mhlanga vanonzi vanyora tsamba vachiti havasi kukwanisa kuuya kudare nevamwe vavo, sezvo vamwe vavo vari kunze kwenyika. Zvinonzi izvi zvatsamwisa komiti iyi, iyo inofunga kuti Mbada Diamonds iri kutamba mahumbwe navo.

Komiti yazonyorawo tsamba ichitaudza vakuru veMbada kuti vakasauya svondo rinouya, vanenge voshandisa simba ravo kuvasungisa, sezvo komiti iyi iine masimba ekuita izvi.

Va Moses Mare mumwe wenhengo dzekomiti iyi. VaMare vanoti veMbada vanofanira kuti nyaya yezvicherwa zvenyika kaisi yekutamba nayo.

Va Tinoziva Bere igweta rinoshanda riri kwaMutare. VaBere vati dare reparamende rine simba rekusungisa vakuru vembada kana vakaramba vachizvidza komiti iyi.

XS
SM
MD
LG