Accessibility links

Breaking News

Bhiri reKuvandudza Mutemo weAIPPA Roparurwa


Nhasi paramende yatanga kunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro perimwe remabhiri ekushandura mutemo wekufambiswa kwemashoko, weAccess to Information and Protection of Privacy Act. Bhiri iri rinonzi Freedom of Information Bill.

Sachigaro vekomiti yeNational Asssembly inoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaPrince Dubeko Sibanda, vanoti zvakakosha kuti vatori nevanhau vaiite chido nekugadzirwa kwemutemo zvikuri sei mitemo ine chekuita nebasa ravo.

VaSibanda vataura mashoko aya mushure mekunge musangano wekomiti yavo wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro peFreedom Of Information Bill muHarare wapindwa nevanhu vashomanana.

Vaimbove mutapi wenhau zvakare vari nhengo yekomiti iyi, VaKindness Paradza, vatsigira sachigaro wavo, vachiti vatapi venhau havafaniri kutsoropodza mitemo inenge yagadzirwa asi kuti vanofanira kuita jana ravo pakugadzirwa kwemutemo.

VaSibanda vatenda vashomanana vapinda mumusangano wanhasi muHarare nekuBindura asi vachiti vange vachitarisira zvakawanda kubva kumasangano anomirira vatori venhau.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano remubatinidzwa wemasangano anomirira vatori venhau reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vatenda kuti vanhu havana kuuya vakawanda nhasi uye vakurudzira kuti vatori venhau pamwe nevanhuwo zvavo vaende kunopa pfungwa dzavo pane zvavanoda kuti zvive mubhiri iri kana kuti kubviswa pamisangano ichaitwa nekomiti iyi kune mamwe matunhu munyika.

Vachipa pfungwa dzeMAZ, VaNyamutumbu vati, kunyange hazvo zvakanaka kuti hurumende yave kushandura AIPPA, bhiri reFreedom of Information, rine zvakawanda zvinoda kugadziriswa zvakaita sekuti vatori venhau kana veruzhinji havafaniri kuomeserwa nekubhadhariswa mari yakawanda kana vaine zvavanoda kubva kuhurumende kana mapazi ayo.

VaNyamutumbu vatiwo vanhu vanofanira kupihwa ruzivo rwavanenge vachida ruri mundimi dzese dziri mubumbiro remutemo kwete muchirungu chete.

Bhiri iri rinoti munhu anofanira kubhadhara mari yekuti ruzivo kana rwaanenge achida rwuiswe mururimi rwaanoda kubva muchirungu.

Pane kuchema chema kubva kune veruzhinji kuti vanotadza kuenda kumisangano yekunzwa pfungwa dzavo pamusoro pemabhiri akasiyana siyana nekuda kwekuti misangano iyi haishambadzwi kwenguva yakareba.

Mumwe ane maonero aya ndaVaTjenesani Ntungakwa. Paramende inoti kana bhiri richinge rangoburitswa mugwaro rehurumende reGovernment Gazette, vanhu kana masangano vanobvumidzwawo kutanga kunyorera kuparamende vachipa pfungwa dzavo.

Kana izvi zvichinge zvaitika, pfungwa dzevanhu pamwe nezvinenge zvabuda mumisangano zvinozoendeswa kugurukota rinenge richiona nezvebhiri iri kuti riwedzere kana kubviswa zvimwe mubhiri richitarisa zvabva kuvanhu paramende isati yapasisa bhiri iri kuti rive mutemo.

Mune imwewo nyaya, Harare Agricultural Show yatanga nhasi paine vanhu nemakambani vari kuratadzira zvirimwa nezvigadzirwa zvavo mazana mashanu negumi nevasere. Gore rapfuura paive nevanhu nemakambani mazana mashanu nemakumi matatu nevanomwe.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa nemashoko muZimbabwe Agricultural Show Society Muzvare Roberta Katunga vaudza Studio 7 kuti gore rino pane nyika shanu dzekunze dziri kuratidzira pamusika uyu.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG