Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Hurongwa hweKubayisa Nhomba Huri Kufamba Zvakanaka


Bhazi rezvehutano rinoti chirongwa chekubayisa vana nhomba senzira yekudzivirira chirwere chegwirikwiti, chabaya vana vava kusvika pedyo nemamiriyoni mashanu.

Chirongwa ichi ndechemazuva gumi, uye chiri kupera neChitatu. Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vanoti kunyange hazvo kune vanhu vashoma shoma vasiri kuda kubayisa vana vavo, vanhu vakawanda, kusanganisirawo mapostori, vari kutsigira chirongwa ichi.

VaMadzorera vanoti vachazeya chirongwa ichi neChitatu vachiona kuti chafamba zvakadii.

XS
SM
MD
LG