Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomutsiridza Nyaya Yayo neKambani yeACR


Justice Charles Hungwe vakapa mutongo uyu muna Gunyana gore rapera, hurumende ikapikisa mutongo uyu mu Supreme Court, iyo isati yapa mutongo wayo

Bazi remigodhi raenda kumatare richitsvaga kuti dare repamusoro richinje mutongo warakapa gore rapera, wekuti African Consolidated Resources, ACR, ndiyo ine mvumo chete yekuchera mangoda kwa Marange.

Justice Charles Hungwe vakapa mutongo uyu muna Gunyana gore rapera, hurumende ikapikisa mutongo uyu mu Supreme Court. Asi dare redzimhosva repamusorosoro harisati rapa mutongo waro.

Vari kumiririra bazi remighodhi, iro riri pasi paVaObert Mpofu, Va Farai Mutamanigira, vati ichokwadi kuti vakadzokera kumatare.

Gweta re ACR, Va Jonathan Samkange, vanoti bazi iri rinoziva kuti harina nyaya saka riri kudzokera kudare re High Court kunokumbira kuti richinje mutongo waro kunyange hazvo nyaya iyi yava kudare guru re Supreme Court.

XS
SM
MD
LG