Accessibility links

Breaking News

Bazi reHutano Roenderera Mberi neOngororo yeManyoka Munyika


Mukuru weboka rekudzivirira zvirwere mubazi rehutano Dr Gibson Mhlanga vaudza Studio 7 kuti manyoka aya, ayo ari kubata vana vadiki kunyanya, ari kukonzerwa nenyaya yekushaikwa kwemvura yakachena yekunwa, marara asiri kuraswa zvakanaka nezvimwe zvakadaro

Bazi rehutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana rati riri kuramba richiita ongororo yekuda kuona kuti nyaya yemanyoka, ayo ainge atekeshera mumatunhu eMasvingo neKadoma vhiki rapera, haisi kuenderera mberi here.

Bazi iri rati riri kuita kurudziro kune dzimwe nzvimbo yekuti vanhu vanwe mvura yakachena nekuita zvinhu zvinoita kuti manyoka, ayo ari kunzi angangowanda munzvimbo zhinji munyika, asarambe achipararira.

Mukuru weboka rezvekudzivirira zvirwere mubazi rehutano Dr Gibson Mhlanga vaudza Studio 7 kuti manyoka aya, ayo ari kubata vana vadiki kunyanya, ari kukonzerwa nenyaya yekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena, uye marara asiri kuraswa zvakanaka, nezvimwe zvakadaro.

Zvichakadaro, sangano rinomirira vagari vemuHarare reHarare Residents Trust rati riri kushushikana nekuti nzvimbo dzakawanda dzinogara vanhu muHarare dzava nemavhiki akawanda dzisina mvura.

KuMabvuku vanhu vanonzi vari kurwira mvura nekushomeka kwayaita izvo zvaita kuti vazhinji vatyire kudzoka kwechirwere chekorera, icho chakauraya vanhu vazhinji munyika makore mashoma apfuura, kunyanya mumusha weBudiriro.

Asi mutevedzeri waMeya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vaudza Studio 7 kuti dambudziko raiita kuti mvura ishaikwe riri kugadziriswa.

XS
SM
MD
LG