Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeARTUZ Dzasungwa Dzichiratidzira muHarare


Robson Chere, ARTUZ Secretary General

Mapurisa anonzi avhiringidza kuratidzira kwanga kuchiitwa nenhengo dzesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe muHarare nhasi ndokurova nekusunga varatidziri ava.

Mapurisa anorwisa mvongamupopoto anonzi arova nhengo dzeARTUZ dzanga dzichangotanga kuratidzira pamahofisi eNSSA

panga pachiitwa musangano pakati pehurumende nemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende.

Munyori mukuru weARTUZ, VaRobson Chere, vati nhengo dzesangano ravo dzarohwa zvakaipisisa nemapurisa anga akapakatira zvombo mapurisa asati asunga vamwe varatidziri gumi nevantanhatu vanosanganisira mutungamiri wesangano ravo, VaObert Masaraure.

VaChere vati nhengo dzesangano ravo dziri kuda kuti hurumende iwedzere vashandi mari dzemihoro vachiti mari yavari kubhadharwa yakafanana nemitero yembwa.

Vati vari kuda kuti mushandi wehurumende anotambira mari iri pasi atambire mari inoita mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica pamwedzi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe divi ravo.

Asi mamwe mapurisa atataura nawo ayo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau ati nhengo dzeArtuz idzi dzanga dzichiratidzira dzisina kukukumbira mvumo yekuita izvi kumapurisa sezvinodiwa nemutemo.

Pataenda pamhepo tanga tisati taziva kuti vasungwa ava vapomerwa mhosva ipi.

Musangano weNational Joint Negotiating Council wanga uchida kuitwa nevatungamiri vesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions pamwe nehurumende unonzi hauna kuzokwanisa kubudirira sezvo vamwe vanga vari pamusangano uyu vatadza kubatana nevamwe pamasaisai eindaneti sezvo musangano wanga uchifanirwa kuiitirwa pamasaisai nekuda kwechirwere cheCovid 19.

Mutungamiri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecilia Alexander, vati musangano uyu uchazoitwa neChishanu vanhu vese varipo.

Masangano ose anomirira vashandi vehurumende anoti nhengo dzawo dziri kuda kuwedzerwa mari yemihoro sezvo dzichiti mari yadziri kupihwa nehurumende isiri kukwana kubhadharira vana vavo zvikoro, kutenga chikafu, kubhadfhara pokugara pamwe nekukwira mabhazi kuenda kumabasa.

Asi hurumende inoti homwe yayo yakabooka pari zvino zvekuti haikwanise kubhadhara vashandi vayo mari yavari kuda.

Asi gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, vakaudza Studio7 nemusi weMuvhuro kuti hurumende yakazvipira kutaura nevashandi kuitira kuti vaonesane mamiriro akaita zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG