Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Mari dzeMakurukota neNhengo dzeParamende


Hurumende inonzi yakawedzera mari dzinotambirwa nemakurukota, vatevedzeri vemakurukota, uye nhengo dzeparamende, veruzhinji vasingazive. Zvinonzi makurukota ava kutambaira mari inosvika chiuru nemazana mashanu emadhora pamwedzi.

Pamusoro pezvo makurukota aya ari kupihwa zvakare mari yekubatsirikana nepekugara, nezvimwe, izvo zvava kupa kuti mari dzavo dzepamwedzi, dzisvike pazviuru zviviri nemazana matatu emadhora pamwedzi.

Mepanhau re Herald ne Standard, anotiwo makurukota, mushure mekubatirwa mari yemutero, ava kuenda kumba nemari inoita zviuru zviviri xvemsdhors. Nhengo dzeparamende dzinonzi dzava kutambira mari inoita mazana mapfumbamwe nemakumi mana emadhora pamwedzi kubva pamazana mana emadhora pamwedzi. Mushandi wehurumende anotambira mari yepasi pasi ari kutambira mari iri pasi pemazana maviri emadhora pamwedzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari, Va Tendai Biti, kuti tinzwe divi ravo.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, re Apex Council, rinotiwo harisi kufara nezviri kuitwa nehurumende. Sangano iri rinoti rashamiswa zvikuru nenyaya yekuti hurumende yakawedzera makurukota mari asi iyo yakaudza vashandi vayo kuti haina mari yekuvawedzera nayo.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti rehurumende, Va Paddy Zhanda, vanoti kana chiri chokwadi kuti hurumende yakawedzera mari dzemakurukota, chinengu chiri chinhu chakanaka chose.

XS
SM
MD
LG