Accessibility links

Breaking News

Ma Bhiri eFinance Bill And Appropriation Bill Sail Anotambirwa Nedare Reparamende


Dare reparamende nhasi rapasisa mitemo ye Finance bill ne Appropriations bill, anova mabill anechekuita nezvebudget ra 2011 kunyangwe zvazvo pange pobuda mashoko ekuti vamiriri veparamende vanga vacharamba kuita izvi senzira yekugununguna nenyaya yemihoro yavo.

Vamiriri veparamende vemapato anoti Zanu PF uyeMDC inotungamirwa nava Morgan Tsvangirai neinotungamirwa nava Arthur Mutambara vanonzi vanga vakatenderana kudzivisa kudarika kwemitemo iyi mudare ravo senzira yekuratidzira kusafara nemari dzavanotambira.

Vamiririri ava vanonzi vanga vachida kuti gurukota rezvemari va Tendai Biti vapinze mubudget mari dzavanoda kuwedzerwa pamihoro uye mari yepundutso mumatunhu avanomirira. Asi izvi zvakona nekuti va Biti vabva vavayambira kuti kutadzisa mabill aya kuti adarike muparamende kwaizonyanya kuviringidza mashandiro ehurumende yemubatanidzwa.

Brenda Moyo weStudio 7 ataura naChief whip vebato reMDC inotungamirwa nava Morgan Tsvangirai, vaInnocent Gonese vanotiudza zvaitika mudare nhasi.

XS
SM
MD
LG