Accessibility links

Breaking News

Zvirimwa Zvoparadzwa neMakonye


Tarisiro yevakawanda yekuita goho rakanaka mwaka uno, inenge yava kuvhiringwa nemakonye anonzi ari kuparadza zvirimwa mumatunhu akawanda munyika.

Nzvimbo dzinonzi dziri kuparadzwa zvirimwa nema army worms dzinosanganisira Mashonaland West, Midlands, Matabeleland North, Manicaland ne Midlands.

Mumwe murimi wekuManicaland, Va Gasten Shiri, vanoti dai hurumende yaedza nepainokwanisa napo kupa Agritex mari yakawanda kuitira kuti ikwanise kutenga mishonga yekurwisa makonye aya.

Mumwe mushandi we Agritex wemuHarare, uyo aramba kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, anoti ichokwadi kuti dambudziko remakonye aya rakakurisa zvikuru sezvo mishonga iripo iri mishoma.

Makonye aya anonzi anokwanisa kuurayiwa nemushonga unonzi carbaryl uyo usiri kuwanika nyore munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG