Accessibility links

Imwe Mishonga Yokonzera Dambudziko reKuramba Kushanda


Imwe Mishonga Yave Kuramba Kushanda

Dambudziko rekuramba kushanda kwemimwe mishonga inouraya hutachiona kuvanhu, mhuka nezvirimwa riri kuramba richikura munyika izvo zvakaita kuti Zimbabwe itare matanho aichatora kudzivirira dambudziko re Antimicrobial Resistance.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano, VaAdrian Musiiwa, vanoti tsvakiridzo yakaitwa yakabudisa pachena kuti pave nedambudziko rekusarapika kwehumwe hutachiona nemishonga inoshandiswa, izvo zvava kupa kuti hurumende itore mamwe matanho.

VaMusiiwa vanoti zvimwe zvezvirwere zvave kunetsa kurapa zvinosanganisira vari kurarama neHIV/AIDS, Malaria, Tuberculosis nezvirwere zvepabonde.

VaMusiiwa vanoti hurumende yakaona zvakakodzera kubatanidza mapazi anoona nezveutano, nharaunda nezvirimwa kuti vashande pamwe chete mukugadzirisa dambudziko iri.

Mumwe mukuru mubazi rezvekurima, Dr Unesu Ushewokunze-Obatulu, vanoti mumwe mishonga iri kushandiswa kuzvipfuyo nezvirimwa zvisiri mugwara, haisi kushanda nemazvo.

Vanotiwo kusashanda kwemishonga iyi kunoitawo kuti kuti vanhu vazobatwe nezvirwere zvinenge zviine mhuka idzi kuburikidza nekudya nyama kana mukaka wemhuka ine chirwere ichi.

Amai Ushewokunze-Obatulu vanoti varimi vari kungopihwa mishonga inorapa zvikwekwe pasina kutariswa nanachiremba vezvipfuwo zvakakwana.

Kunyange hazvo mishonga yema antibiotic ichitarisirwa kupihwa mushure mekunyorerwa zvekutenga nachiremba, vanhu vari kuwana mishonga iyi nenzira dzakasiyana-siyana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG