Accessibility links

Breaking News

Mukuru weEU Anoramba Mashoko Ekuti Akazvidza Vanhu vekuMatabeleland


Mukuru we European Union muZimbabwe, va Aldo Dell'Ariccia, vanoti mapepanhau e hurumende ari kutsvaga kukanganisa hukama hwe EU nevagari vemuMatebeleland.

Mukuru we European Union muZimbabwe, va Aldo Dell'Ariccia, vanoti mapepanhau e hurumende ari kutsvaga kukanganisa hukama hwe EU nevagari vemuMatebeleland. Mashoko avo anotevera zvakabuda mubepanhau re Sunday News richiti va Dell’Ariccia vakati nyaya ye guhurahundi inyaya yane zuro isisina basa, asi kuti chikuru ndechekuti vanhu vemataunhu e Midlands ne Matabeleland, vanofanirwa kuchitarisa nyaya yebudiriro nekuendera mberi nehupenyu hwavo.

Vanonzi vakataura izvi svondo rapera apo vaifamba mu Matabeleland vachisangana nevagari vemo pamwe nemasangano emo.

Va Dell’Ariccia vanoti havana kumbotaura mashoko aya vachiti mukushanya kwavo vakaona kuti nyaya iyi inyaya ichiri muhana dzevanhu vemumatebeleland vakawanda. Va Nkululeko Sibanda inyanzvi mune zvematongerwe enyika. VaSibanda vanoti ZANU-PF ndiyo ine mabasa ekuda kupesanisa vanhu, kwete EU.

XS
SM
MD
LG