Accessibility links

Breaking News

Kutsigira Zanu-PF kweANC Koshoropodzwa Zvakasimba


Bato reANC remuSouth Africa riri kushoropodzwa zvikuru nevanoripikisa mu South Africa makare pamwe nemuZimbabwe zvichitevera mashoko akataurwa nemunyori mukuru webato iri, VaGwede Mantashe, kumusangano weZanu PF.

Mapato eInkhata ne Democratic Alliance emuSouth Africa, achitsigirwa neMDC-T muZimbabwe, anoti VaMantashe vakarasa muromo pavakaudza musangano we Zanu-PF wakapera neMugovera muBulawayo kuti bato ravo richabatsira bato reZanu-PF kuti rikunde zvine mutsindo musarudzo dziri kutevera.

ANC ndiyo hurumende iri kutonga mu South Africa.

VaMantashe vakati ANC neZanu-PF zvine hukama hwakadzama zvikuru nokudaro vachaita zvese zvavanogona mukubatsira kuti sarudzo dzichaitwa munyika dzidzosere Zanu-PF pachigaro.

Sangano rakazvimirira re Afriforum rimwe remasangano ari kushoropodzawo mashoko aVaMantashe vachiti mutungamiri webato ravo, Va Jacob Zuma, ndivo vari kukokera samutongi gava nhaurirano pakati pe Zanu-PF nemapato maviri eMDC, nokudaro ANC haifanirwe kuonekwa ichitora mativi panyaya dzemuZimbabwe.

South Africa isati yava nekuzvitonga kuzere, Zanu PF yaidyidzana nePan African Congress, ukuwo Zapu, iri pasi pemuchakabvu Joshua Nkomo, yaidyidzana neANC.

Izvi zvakaita kuti hukama hweANC neZanu PF husamire zvakanaka, asi zvakazogadziriswa nekupindana kwemazuva apo ANC yakatora masimba ezvematongerwo enyika.

Mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vanoti zvinonetsa kana vanhu vemuSouth African, avo vari kuedza kuyayananisa gakava remuZimbabwe, votora mativi panyaya yezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Ukuwo mukokeri we Zanu-PF mudare reparamende, Va Joram Gumbo, vanoti hushamwari hweZanu-PF ne ANC hauneyi neMDC-T nekuti hunobva kure pachitariswa nhoroondo yekurwira rusununguko muAfrica.

XS
SM
MD
LG