Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

America Yozvipira Kushanda neAfrica Kupedza Kupararira kweChirwere cheMalaria

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakupedza chirwere chemalaria chinokonzerwa nehumhutu muAfrica.

Chirwere chemalaria chave nemakore akawanda uye chiri chekutanga pazvirwere zvinouraya vanhu vakawanda pasi rose.

Chirwere ichi chakawanikwa muhumhutu kana kuti mosquito yakafa makore mamiriyoni makumi matatu kana kuti 30 million. Asi chirwere ichi chinonzi chakazotanga kupararira zvakanyanya makore zviuru gumi kana kuti 10, 000 apera apo vanhu vakatanga kugara mumaguta, kuchengeta zvipfuyo uye kurima.

Mumakore ano, chirwere ichi chinobata vanhu vanodarika mamiriyoni mazana maviri gore rega rega uye vanhu zviuru mazana mana kana kuti 400,000 vanofa nechirwere ichi gore roga roga zvikuru muAfrica.

Kubva muna 2005 pakaparurwa hurongwa hwemutungamiri wenyika yeAmerica kana kuti US President’s Malaria Initiative hwekurwisa chirwere ichi, America yatungamira muhurongwa uhu kuburikidza nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika re U.S. Agency for International Development kana kuti USAID.

Chirongwa chemutunbamiri wenyika yeAmerica ichi chabatsira kuti chirwere ichi chisatapurirwe kuvanhu vanodarika bhiriyoni imwe chete nechidimbu kana kuti 1.5 billion uye kudzivisa kufa kwevanhu nemalaria vanodarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana matanhatu kana 7.6 million.

Musi wa 6 Gumiguru, America yakaparura hurongwa hwemakore mashanu hwakanangana nekupedza chirwere chemalaria.

Izvi zvinobatsirawo hurongwa hwekuti vanhu mamiriyoni mana vasafe nechirwere ichi uye kuti vanhu bhiriyoni imwe chete vasabatwa nacho panosvika gore ra2025.

Chirongwa chekupedza malaria nechimbi chimbi chine zvinangwa zvitatu, Chekutanga kwaive kudzikisa huwandu hwevanofa nechirwere ichi nezvikamu makumi matatu nematau kubva muzana muna 2025 munyika dzine dambudziko rechirwere ichi rakakurisa.

Chikamu chechipiri kudzikisa chirwere ichi nezvikamu makumi mana kubva muzana munyika dzakatarisana nechirwere ichi zvakanyanya. Chikamu chekupedzisira America inoda kupedza dambudziko rechirwere ichi zvachose munyika gumi dzairi kubatsira. America inoti zvinokwanisika kuzadzikisa zviga zvose izvo sezvo ikozvino kwave nenhomba yekurapa malaria.

Musi wa 6 Gumiguru World Health Organization yakaparura nhomba yekutanga yekudzivirira malaria. Vanokokera mabasa muchirongwa chemutungamiri weAmerica chekurwisa malaria, Dr Raj Panjabi vanoti iyi ndiyo nhomba yekutanga ichabatsirawo vana kuti vasafe nemalaria muAfrica. Vanoti nyika makumi mana dzabudirira kupedza zvachose chirwere chemalaria ichi.

Dr Panjabi vanoti kunyangwe pachiine mutoro wekupedza chirwere ichi zvachose pasi rose, kurwisa chirwere ichi kuchabatsirawo kurwisa zvimwe zvirwere zvinopararira pasi rose zvichauya.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakurwisa chirwere cheCovid-19 muAfrica. Maaverengerwa neni Blessing Zulu ndiri muWashington DC.

See all News Updates of the Day

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 23, 2022

Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voenda kuCuba mushure mekupeta rwendo rwavo kuUnited Nations General Assembly.

Vanopikisa voenderera mberi nekuratidzira kuUnited Nations vachipomera hurumende yaVaMnangagwa mhosva yekutonga nedemo.

Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende VaTrevor Saruwaka vokurudzira mapurisa kuti aferefete kufa kwakaita mumwe mudzidzi wepaSt Mathias Tsonzo High School kwaMutare, Livingstone Sunhwa uyo anonzi akambenge arohwawo zvakaipisisa nemapurisa nevakuru vechikoro.

Kambani yehurumende inoona nezvekurimwa kwefodya, yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB) yambomisa varimi vanodarika zviuru makumi matatu nezvinomwe (37 000) kurima fodya ichiti vakatengesa fodya yavo pamukoto.

Vamwe varimi veku Mhondoro-Mubayira mudunhu reMashonaland West vanoti hurombo hwaramba hwakavanamira seurimbo sezvo vasiri kuwana zvikwanisiro zvakaita sembeu nefotereza izvo zvavanowanzopihwa nehurumende vatopedza kurima nekukohwa.

Muchirongwa chatinotaura nevaimbi nemusi weChishanu wega wega, nhasi tine hurukuro nemuimbi wechidiki Charles Chakanetsa.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitika kuUnited Nations uko Zimbabwe iri kuyedza kuti zvirango zvibviswe uyewo kuyedza kuumba hukama nenyika dzayakarimirana kumuganhu nadzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Mashoko Anotaura Pamire America paNyaya Yehutongo Hwekerere muNyika Dziri kuMawirira kweAfrica 

Ambassador Richard M. Mills, Jr.

Apo huwandu hwenyika dzekumawirira kweAfrica dzine hurumende dziri kupidigurwa nemauto huri kuuramba huchiwanda, mutevedzeri wemumiriri weAmerica kuUnited Nations Ambassador Richard Mills vanoti kukosha kwesangano reUnited Nations Office for West Africa and the Sahel kana kuti UNOWAS kunobva kwaonekwa. Sangano reUNOWAS rine muzinda muSenegal.

Sangano iri riri kubatsira hurumende dzakafanobata matomu mudunhu iri nechinangwa chekuda kudzosa hutongo hwejekerere.

Nyika dziri kubatsirwa nemazano parizvino dzinosanganisira, Guinea neBurkina Faso. VaMills vari kukurudzira hurumende yeMali kuti idzokere kuva hurumende inosarudzwa nevanhu kwete kutungamirwa nemauto. Hurumende iyi inoti yakazvipira kuti inge yodzokera kuhutongo hwejekerere muna Kurume 2024.

VaMills vanoti vanovimba kuti hurumende iyi ichatora nguva iyi kuzadzikisa zvose zvinodiwa kuti mauto asarambe ari panyanga. Vaenderera mberi vachitiwo vari kushushikana zvikuru nekupomerwa mhosva dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nemauto ari kutonga aya achishanda nechikwata chemauto chinotsigirwa nehurumende yeRussia chinozivikanwa nekuti Wargner Group.

Vati nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dziri kutaurwa idzi ndicho chimwe chikonzero chiri kunzi neAmerica nyika dzemuAfrica hadzifanire kushanda nechikwata cheWargner Group.

MuGuinea VaMills vati hurumende yakafanobata matomu inofanira kubvumidza vanhu kuungana nekuratidzira murunyararo.

Vati nguva yekudzokera kuhurongo hwejekerere yatodarika munyika iyi. Izvi vatiwo ndizvo zvimwe chete nemuBurkina Faso umo mauto akati akazvipira kudzokera kuhutongo hwejekerere kwapera makore maviri.

VaMills vati vari kushanda nenyika iyi vanofanira kutaurirana zvakanaka nedzihurumende idzi uye kubatsirawo vanhu nezvekudya. Vatiwo vari kunetsekana nehuwandu hwezvikwata zvinopfurikidza mwero zviri kuuraya vanhwi zvavo nemauto mudunhu iri.

VaMills vatiwo America iri kushanda nemamwe masangano kana kuti Global Coalition to Defeat ISIS.

Burkina Faso yakapinda mugungano iri muna 2021 uye Benin iri kutarisirwa kupindawo mukupera kwegore rino. Sangano iri rakaumbawo chimwe chikwata chinonzi Africa Focus Group muna Zvita 2021 icho chakanangana nekupa vanhuwo zvavo ruzivo rwekuzvidzivirira kubva kune vanopfurikidza mwero.

VaMills vanoti panguva ino zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumawirira kweAfrica asi vakati uyu mukana zvekare wekurwisa vanopfurikidza mwero, kukurudzira hutongo hwejekerere uye kuisa zvido zvevanhu pamberi.

Vatiwo UNOWAS inofanira kushandwa nayo kuti izadzikise zvinangwa zvayo zvekuunza hutongi hwejekerere mudunhu iri.

VaBiden Vodaidzira Musangano neVatungamiri veAfrica Asi Vakawanda Vanoti VaMnangagwa Havaone Vachikokwa

VaJoe Biden nemutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakazivisa nezuro kuti hurumende yavo ichaita misangano nevatungamiri venyika dzeku Africa musi wa13 kusvika musi wa 15 Zvita gore rino muguta reWashington DC.

VaBiden, mutsamba yavo yavakanyora nezuro , vakati misangano iyi icharatidza kuti hurumende yeAmerica ine chido chekushanda nenyika dzese dzemuafrica munyaya dze kodzero dzevanhu, kupedzwa kwe denda reCovid 19, nemamwe matenda achauya, kudzivirirwa kwematunhu uye nyaya dzeku chinja kwe mamiriro ekunze.

Hazvisati zvajeka kuti vatungamiri vachakokwa ndevenyika dzipi asi vakawanda vanoti havatarisire kuti mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa vakatemerwa zvirango zvehupfumi neAmerica vachakokwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University kuSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza vati havaone havo VaMnangagwa vachikokwa kumusangano wakakosha uyu.

America Inotio Russia Iri Kupara Mhosva dzeHondo muUkraine

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pamhosva dzehondo dziri kupomerwa mauto eRussia ari kurwisa Ukraine.

Mauto aRussia ari muguta reKherson kuchamhembe kwe Ukraine anonzi kupara mhosva dzehondo achityora kodzero dzevanhu.

Mumiriri weAmerica kusangano reOrganization for Security and Co-operation Ambassador Michael Carpenter vanoti zviri kuitwa muKherson zvinhu zvinotyisa. Russia inonzi iri kumanikidza vanhu vemudunhu iri kuti vatende kuva pasi pehutongi hwayo nechisimba.

Vamwe vanhu mazana matanhatu vari kuramba kutambira hutongi hweRussia vanonzi vari kuchengetwa vari mudzimba dzakacherwa pasi vachiitwa kafiramberi. Vanhu vari muhusungwa vanosanganisira vatori venhau, vashandi vemukanzuru, vanoshandira masangano akazvimirira oga uye vose vari kupomerwa mhosva dzekuratidzira vachitsigira Ukraine.

Vanhu vemuKherson vanonziwo vanobvunzurudzwa nekushungurudzwa pose pavanenge vachifamba.

Vammwe vanhu vaishndira hurumende yeUkraine vari kusungwawo vachiiswa mumatirongo pachinzi pari kutsvagwa vatengesi vari kudyidzana nehurumende yeUkraine uye kufukura hapwa kuvatori venhau.

Vanhu ava vanonzi vanogara muhusungwa kwemazuva akawanda vamwe vachibvunzurudzwa, kuitwa kafiramberi kana kuurayiwa kana kugariswa muhusungwa kana kumanikidzwa kutama vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.

Russia inonzi iri kuisa vanhu vanoitsigira kuti vatungamire matunhu airi kutora akaita seKherson. Izvi zvakaitikawo muna 2014 na2015 kumatunhu akaita seDonetsk. Russia inonziwo iri kudzima madandemutande akaita seinternet kunzvimbio dzayapamba kuti vanhu vasanzwewo mamwe mashoko asiri anobva kuRussia.

Vanhu havabvumidzwewo kutumirwa mari kubva kunze dzimwe nyika kana nzvimbo.

Muzvikoro, varairidzi vari kumanikidzwa kuti vadzidzise zviri kudiwa neRussia asi vamwe vari kuramba zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanhu vari kumanikidzwawo kushandisa mari yekuRussia yemaruble uye kunyoresa magwaro emba dzavo nevanhu vakagadzwa neRussia.

VaCarpenter vanoti Russia iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations Charter uye zveHelsinki Final Act panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyangwe munguva yehondo.

Mumiriri weAmerica uyu anoti ane chivimbo chekuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemauto avo vachatongerwa mhosva dzehondo dzavanonzi vari kupara muKherson nemamwe matunhu emuUkraine idzi.

VaBiden Vanoparura Chirongwa Chemushandira Pamwe, Che‘Americas Partnership For Economic Prosperity’

WASHINGTON D.C. - Pamusangano wenyika dziri munharaunda yeAmerica, we Summit Of The Americas, wakaitwa muguta reAmerica, reLos Angeles, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa nezvechirongwa chavo chitsva chemushandira pamwe munyaya dzezvehupfumi hwenyika dzeAmerica, chinonzi “Americas Partnership For Economic Prosperity”.

VaBiden vakati chirongwa ichi chichabetsera munyaya dzezvehupfumi hwenyika dzeAmerica kuti dzibudirire dzichibva zasi zvichikwidza, kwete kubva kumusoro zvichidzika.

VaBiden vakati nyika dzeAmerica dzinofanirwa kumisa kutambudzika kwevarombo kana pakaita matambudziko ivo vanhu vasina mikana yekuzvibatsira kubuda mumatambudziko aya, uye kuti vakwanisevo kugadzirira kurwisana nerimwe dambudziko ringaitika mune ramangwana.

VaBiden vakati nyika dzenharaunda yeAmerica dzinofanirwa kushanda pamwe chete kuti kudyidzana kwadzo kubudise nzira dzekubatsira panenge paita njodzi huru, vachiti mushandirapamwe uyu uchaunza zvitsva nekubatsira hurumende idzi kuti dziitire vanhu vadzo zvakawanda.

VaBiden vakati vanhu kwese kwese vanotarisira hurumende dzavo kuvapa rubatsiro, nekuvagadzirira mabasa anovapa mihoro yakanaka, kuendesa vana vavo kuchikoro, uye kuchengetedza nzvimbo dzavanogara kuti ivo nemhuri dzavo vagare vakafara mudzimba dzavo, umwe neumwe achiziva kuti anekodzero dzake dzinokosheswa.

Kubatsira hurumende nevanhu vari munharaunda yeAmerica iyi, VaBiden vakakurudzira kupindudzwa kwe mitemo yemabhanga anoshanda munharaunda iyi, kana kuti “Inter-American Development Bank Group”, uye kuwedzera mari inokwereteswa vemabhizimisi akazvimirira.

Nyika dzemushandira pamwe uyu dzicharwisanavo nenyaya yezvemamiriro ekunze, VaBiden vachiti kana vakanzwa nyaya yemamiriro ekunze, vanobva vaona mabasa akanaka uye ane mihoro mikuru, ayo achabatsira kuti nyika dzitange kushandisa simba remagetsi anobva kuzuva asingasvibisi nyika.

VaBiden vakati hapana chikonzero chekuti nyika dzekumadokero dzisava dzisina kuchengeteka, dzisabudirira uye kuti dzisava nehutongi hwejekerere.

VaBiden vakati zvose zvinodiwa munyika idzi zviripo, kusanganisa vanhu vanepfungwa dzakadzika uye vanoda kushanda, vachiti nyika dzemunharaunda iyi dzakazvipira kushanda pamwe chete sezvo vari vanhu vamwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG