Accessibility links

Breaking News

America Inoti Zvirango Zvichabviswa Kana Sarudzo Dzikaitwa Murunyararo


America inoti iri kushushikana zvikuru nemaitiro evamwe muhurumende yemubatanidzwa vari kuda kudzorera Zimbabwe kumashure zvikuru sei mapurisa. America yatiwo zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muZimbabwe zvichabviswa chete kana munyika mukaitwa sarudzo dzakachena.

Mashoko aya ataurwa nemutevedzeri wemunyori anoona nezvekuchamhembe kweAfrica mubazi re Bureau of African Affairs mu America, VaReuben Brigety, pamwe nemutevedzeri wemunyori anoona nezvehutongo hwejechetere, Amai Karen Hanrahan, avo vari kushanya munyika.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda weAmerica mushure mekuita misangano yakawanda nevakuru vemapato ezvematongerwo enyika, vakuru muhurumende pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, Amai Hanrahan vati zvinosuwisa kuti pane vamwe vari kutyityidzira vamwe, kukonzera mhirizhonga pamwe nekuti munyika musagadzikane.

Vati mapurisa ari kuratidzawo pachena kuti vari kushungurudza vemasangano akazvimirira uye ari kuratidza pachena kuti anoita basa rawo akarerekera kune rimwe bato rezvematongerwo enyika.

Vatiwo pane humbowo hunoratidzawo kuti masoja akatoendeswa kumaruwa kuti andotsvaga rutsigiro rwerimwe bato pamwe nekutyityidzira veruzhinji.

Vati vanotarisira kuti vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa vachagadzirisa zvese izvi kutira kuti vanhu vakwanise kuvhota vasingashungurudzwi.

Panyaya yekuti divi reZanu PF muhurumende riri kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango hadzisi kuzokokwa kuzoongorora sarudzo, VaBrigety vatiwo izvi hazvina zvazvinobatsira.

Vati Zimbabwe inobatsirikana chose kana sarudzo dzayo dzikachenurwa nenyika dzepasi rose pamwe nemasangano anobva munyika dzakasiyana siyana.
Zvichakadaro, VaBrigety vati gore rino Zimbabwe ine mukana mukuru wekuunza shanduko nebudiriro sezvakatika muna 1980.

Asi vaviri ava vati kana Zimbabwe ikasaita sarudzo dzakachena, America ichatora matanho anoenderana nezvinenge zvaitika uye zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvichabviswa chete kana pakave nesarudzo dzakejeka.

VaBrigety naAmai Hanrahan vakauya kuZimbabwe pasi pechirongwa chemumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, chekunatsurudza hukama pakati peAmerica neZimbabwe.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG