Accessibility links

Breaking News

America Inoti Mari Yayakapa Zimbabwe Yakawanda Kudarika Yakataurwa naVaMthuli Ncube muBhajeti


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump

Mutevedzeri wemumiriri wenyika yeAmerica muZimbabwe VaThomas Hastings vanoti gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube havana kuzivisa nyika mari chaiyo yakapihwa Zimbabwe nenyika yavo apo vaitura hurongwa hwebhajeti regore rinouya.

VaHastings vakataura mashoko aya ku Zaka nezuro apo vakashanyira chipatara cheNdanga Hospital icho chakabatsirwa nemari pachirongwa chekuchecheudza vanhurume senzira yekuvadzivirira kuti vasatapurirwe nyore chirwere cheHIV/AIDS. Mari iyi iri pasi pehomwe yemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump inonzi United States President's Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PERPFAR.

Mumiriri weAmerica anoti mari yakabudiswa naVaNcube mubhajeti ravo haisiriyo uye haina kukwana.

Vakati mubhajeti regore ra2020, VaNcube, vakati nyika ye America mugore ra2019 yakabatsira ne mari inosvika mamirioni mazana maviri nemakumi mashanu asi ivo vakapa mari inosvika mamiriyoni mazana makumi matatu nemakumi matatu.

Vanoti imwe mari yakabatsira panjodzi redutumupenge reCyclone Idai uye havazivi kuti sei hurumende yakadzikisa huwandu hwemari yenyika yavo.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangawana vaudza Studio 7 kuti itaure naVaNcube mbune nezvenyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata vaNcube kuti tinzwe divi ravo, asi America yave nyika yechipiri kuramba kutambira zvavakatura. Hurumende yeChina yakaratidzawo kusafara nemari yavakanzi vakabatsira nayo Zimbabwe.

Mushure mekuita musangano nemuzinda weChina muZimbabwe, VaNcube vakatenda kuti vainge vakanganisa.

Tatumirawo mibvunzo paWhatsApp ku mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana asi vange vasati vapindura.

Kunyangwe tatadza kutaura negurukota rezve mari VaNcube kuti tinzwe divi ravo, Nyika ye Amereka yakaratidza kusafara nekusabuda kwe chokwadi pahuwandu hwakabva kunyika yavo rwe rubatsiro pabhajeti.

Zvichakadaro muzinda weAmerica uri kushanda pamwe ne sangano rana chiremba vedzisvondo re Zimbabwe Association of Church Related Hospital(ZACRCH), kuita chirongwa ichi muZaka icho chakatangwa mugore ra2013.

Vachitaura pakushanya kwaVahastings, vagari pamwechete nevashandi mubazi rezvehutano vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvikuru kudzivirira kutapurwa kwe chirerwe che HIV ne Aids ne zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

VaHastinga vanoti America yakashandisa mari inosvika mamirioni zana nemakumi maviri muchirongwa ichi mugore ra 2019 chete.

Vakatiwo nyika yavo icharamba ichishanda ne Zimbabwe mukuriwsa chirwere che HIV ne AIDS munyika kusvika chirwere ichi chakundwa.

Vanoona nezve kufambiswa kwebasa muZARCH , Dr Joseph Hove, vakati chirongwa ichi chiri kubatsira zvikuru mukudzivirira kupararira kwechirwere che HIV and AIDS uye chakatambirwa zvakanyanya nevanhurume mudunhu reZaka.

Mumwe mugari wemuraini rekwa Chipezeze, VaLloyd Bvekete, avo vakachecheudzwawo vanoti chirongwa ichi chakakosha kwete kuvarume chete mukurwisa HIV ne AIDS asi kuvanhukadzi zvekare sezvo chichi dzivirirawo zvimwe zvirwere zvepabonde pamwe negomarara.

Izvi zvakatsinhirwa naVaLeo Kufa, vanova mukoti wehurumende pachipatara cheNdanga vachiti chirongwa ichi chabetsera mudunhu ravo mukudzivira HIV ne AIDS.

Mukuru webasa pachipatara che Ndanga, Dr Morgan Muzondo, vakatenda zvikuru rubatsiro rwakapuwa nechirongwa che PEPFAR chemuzinda weAmerica vachiti chiri kubatsira zvikuru bazi rezvehutano mukurwisa chirwere ichi.

Chirongwa ichi chiri kuitwa kune mamwe matunhu muMasvingo kusanganisira kuChiredzi ne Mwenezi uye hurumende ye America inoti icharamba ichitsigra Zimbabwe nezvikwanisiro.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG