Accessibility links

Breaking News

America Inoti Inokoshesa Chibvumirano cheParis Agreement


VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden
VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden

Mune chimwe chiitiko chavo chekutanga mushure mekutora mhiko yekutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vakazivisa kuti America yainge yodzokera muchibvumirano chekukurudzira nyika dzepasi rino kuti dzichengetedze mweya wekufema nemamiriro ekunze chePARIS Agreement.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa muna Zvita 2015 asi chakatanga kushanda muna 2016. Sangano reUnited Nations richinyoresa nyika zana nemakumi mapfumbamwe dzichipinda muchibvumirano ichi muna 2021.

Chinangwe chechibvumirano ichi chakanangana nekuona kuti nyika dzose dzatevedzera zvakatenderana mukuchengetedza zviwanikwa uye kuona kuti mumaindastiri hamusi kushandiswa zvakawanda zvinosvibisa mweya wekufema.

Izvi zvikasaitwa zvinogona kukonzera mafashamu emvura, kusanaya kwemvura uye madutumupengo emhepo uye kudzikisawo kupisisa kwepasi rino pamwe nemoto inongotanga mumasango ichinetsa kumisa.

Kusagadzirawo nyaya iyi kunoreva kuti magungwa anotanga kuzarisa mvura rinogona zvekare kuva dambudziko kuvanhu.

VaBiden vakabuda pachena kuti kuchengetedza mamiriro ekunze chimwe chinhu chikuru chinokosheswa nehurumende yavo.

Pavaitsvaga rutsigiro rwekutungamira nyika yeAmerica gore rapera, VaBiden vakavimbisa kuti vakasarudzwa vanozodzosera America muchibvumirano cheParis Agreement ichi.

Pavaitora mhiko yekutungamira nyika musi wa 20 Ndira VaBiden vakatiwo pasi riri kuchema nekuda kwekubatwa kuri kuitwa zviwanikwa nemweya unofemwa nevanhu.

Mutauriri wemuzinda wemutungamiri wenyika yeAmerica weWhite House Amai Jen Psaki vanoti mukudzokera muchibvumirano ichi, VaBiden vari kuratidza kukoshesawo kwavanoita kudyidzana nedzimwe nyika dzepasi rino uye kuda kudzosera America mumatare anozeya nyaya dzakakosha pasi rose.

Izvi vanoti zvakaratidzwawo nekudzokera kweAmerica musangano rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization, mumwe munongedzo wekuti VaBiden vanokoshesa kudyidzana nedzimwe nyika mukugadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu vepasi rose.

VaBiden vakadomawo vaimbova gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJohn Kerry kuti vave chipangamazano chavo munyaya dzezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa nemamiriro ekunze. Aka ndekekutanga munhoroondo yeAmerica pachidomwa munhu pachigaro ichi.

Nyika dzakawanda dziri kutambira America nekudzoka kwayaita muchibvumirano cheParis Agreement ichi kusanganisirawo mutungamiri wenyika yeFrance VaEmmanuel Macron vakati zvakakosha kuti nyika dzepasi rose dziite mushandirapamwe mukuchengetedza mamiriro ekunze nezviwanikwa.

Aya mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica.

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG