Accessibility links

Breaking News

America Inoti Icharamba Yakatemera VaMugabe Zvirango Kudzamara Vachinja Maitiro


America's top diplomat for Africa, Johnnie Carson, has called for talks between Sudanese President Omar al-Bashir and southern leader Salva Kiir.
America's top diplomat for Africa, Johnnie Carson, has called for talks between Sudanese President Omar al-Bashir and southern leader Salva Kiir.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezveAfrica muAmerica, Va Johnnie Carson, vanoti America haisi kuzobvisa zvirango zvayakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZANU-PF, kudzamara VaMugabe pachavo neZANU-PF yacho, vava kuremekedza pamwe nekutevedza zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Vachitaura muWashington neChitatu pamberi pekomiti yedare reparamende inoona nezve Africa, Hutano neKodzero dzeVanhu, Va Carson vakati America haisi kuzomhanyira ichibvisa zvirango izvi. ZANU-PF iri kuti zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa nechimbi chimbi.

Mapazi ehurumende yeAmerica akanga akamirirwa pamusangano uyu akati America icharamba ichitsigira zvirongwa zvekubatsira vanoshaya muZimbabwe zvakaita sekupa chikafu, nyaya dzehutano nezvirongwa zvekodzero dzevanhu, pamwe nezvirongwa zvekutsvaga hutongi hwejekerere.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wemukuru we International Crisis Group, VaMark Schneider, vakatiwo America inofanirwa kuramba ichibatsira nekukurudzira kuti hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe ifambire mberi, zvikuru sei kutsigira South Africa nemutungamiri wayo, VaJacob Zuma, pamwe neAfrican Union kuitira kuti Zimbabwe ive nehutongi hwejekerere.

Chizvarwa cheZimbabwe chakapindawo mumusangano uyu chichipa humbuwo, ndiVa Dewa Mavhinga, avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa.

VaMavhinga vakatiwo zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo hazvifanirwe kubviswa pari zvino.

VaMavhinga vakati Zimbabwe inoda zvikuru rubatsiro rweAmerica pari zvino nekuti zvinhu hazvisati zvagadzikana munyaya dzehupfumi, pamwe nezvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG