Accessibility links

Breaking News

America Yotengera Zimbabwe Chikafu Chinoita US$41.9 Million


US Ambassador Brian Nichols 1
US Ambassador Brian Nichols 1

America yawedzera mari yerubatsiro kuZimbabwe nemadhora anosvika mamiriyoni makumi mana nemaviri iyo iri kutarisirwa kubatsira mukuwanisa vanhu zvekudya vakatarisana nenzara.

Mari iyi iri kubva kubazi re United States Agency for International Development, kana kuti USAID.

Vachitaura pamusagano wavaita nevatori venhau muHarare, mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian A Nichols, vati America yawedzera rubatsiro urwu mushure mekunge United Nations yaparura chirongwa chekutsvakira Zimbabwe rubatsiro rwekuti ibude munzara.

VaNichols vati mumwaka we2019/2020, America yabatsira Zimbabwe nemamiriyoni anoda kusvika makumi masere nemanomwe emadhora ekuAmerica.

VaNichols vati vari kutarisira kuti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete vacabatsirwa nechikafu mumatunhu gumi nematanhatu emunyika muno kutanga muna Gumiguru 2019, kusvika muna Kubvumbi 2020.

VaNichols vati vanhu vachatengerwa chikafu, vamwe vachipihwa iri mari kuitira kuti vatenge zvekudya pamwe nezvekudya zvinovaka muviri kusvika Kubvumbi wegore rinouya.

Vachitaura pamusangano mumweyo, mukuru we World Food Program muZimbabwe, rinova sangano riri kupiwa mari yerubatsiro iyi neAmerica, VaEddie Rowe, vati Zimbabwe yakatarisana nematambudziko anoti kusanaya zvakanaka kwemvura, kuderera kwehupfumi, pamwe nemafashamu eCylcone Idai, izvo vati zviri kuwedzera kutambura kwevanoshaya.

Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vakatarisana nenzara munyika nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura, pamwe nemafashamu eCyclone Idai akaitika kuManicaland.

America ndiyo ari pamberi panyika dzose dzinobatsira vanhu vemuZimbabwe, mungave munyaya dzechikafu, kana dzehutano. Mwedzi wapera, America yakabvisa mamiriyoni makumi mana nemashanu emadhora ekubatsira Zimbabwe nechikafu.

USAID inoti ine hurongwa hwekubatsira Zimbabwe kutenga chikafu chinokosha mamiriyoni zana nemakumi matanhatu nemana emadhora ekuAmerica, iyo inoti ichashandisa mumakore manomwe ichitengera vanhu vemuZimbabwe chikafu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya, hutungamiri hweMDC hwaita musangano nevatungamiri vekanzuru yeHarare kuti vazeye dambudziko rekushayikwa kwemvura muHarare zvichitevera kuvharwa kwakaitwa nzvimbo inocheneserwa mvura yeMorton Jaffray Water Works nezuro nechikonzero chekushayikwa kwemishonga inoshandiswa mukuchenesa mvura.

Mashoko aburitswa nemutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyika, anoti kanzuru yeHarare iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa dambudziko iri kunyange hazvo vachiti hurumende haisi kupa kanzuru mari inokwana kuti vatenge mishonga iri kudiwa iyi.

Vakafanobata chigaro chameya weguta reHarare, Va Enock Mupamawonde, vaudzawo vatori venhau kuti kanzuru yawana mishonga yemvura huye vavhura mapombi ekuMorton Jaffray ayo aive avharwa nezuro kanzuru yashaya mishonga yemvura.

VaMupamawonde vati vari kutarisira kuti vamwe vanhu vatange kuwana mvura nemusi weChipiri.

Kanzuru yeHarare iri kutadza kuwanisa vagari mvura nguva dzese, izvo zviri kupa kuti vagari vagare vakachema chema nguva dzose sezvo vasina mvura yemupombi mudzimba dzavo.

Zvichakadai, rimwe sangano ravanachiremba reDoctors Without Borders razivisa kuti richachera zvibhorani munzvimbo dzakawanda muHarare kuitira kuti veruzhinji vakwanise kuwana mvura yakachena.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG