Accessibility links

Breaking News

Ambassador Ray Vanopa Chikoro cheMupfure Mabhuku


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, vapa mabhuku anokosha zviuru nezviuru zvemadhora kuchikoro chevana vevakarwira hondo yerusununguko cheMupfure Self Help College kuChegutu mudunhu reMashonaland West

Vachitaura apo vange vachitambidza mabhuku aya kuchikoro ichi, VaRay vati mabhuku aya akatengwa pasi pechirongwa chehurumende yeAmerica chekubatsira mukusimudzira dzidzo muZimbabwe iyo yange yawira pasi mukati memakore gore gumi apfuura.

VaRay vazivisawo kuti muzinda weAmerica muZimabwe uchatsigirawo zvimwe zvikoro zvakaita seMupfure Self Help College.

Ambassador Ray vatenda varidzi vechikoro cheMupfure, veZimbabwe Foundation for Education for Production, nekutanga kwavakaita chikoro ichi vachiti ivo segamba rekuAmerica, vanoziva matambudzidziko akatarisana nevaive varwiri vehondo yerusununguko pamwe nemhuri dzavo, zvikuru sei munyaya dzedzidzo.

VaRay vati zvinofadza kuti pane zvikoro zvakaita seMupfure izvo zvinodzidzisa vana nevazukuru vevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, mabasa ekuti vakwanise kuzviriritira muhupenyu. Mabasa anodzidziswa pachikoro ichi akaita sekuvaka, kugadzira motokari, kubika pamwe nezvimwe zvakadaro.

Mukuru wevadzidzi vechikoro ichi, Muzvare Patience Chitofiri, vatenda muzinda weAmerica nerubatsiro rwemabhuku vachiti mabhuku ekuvernega mashona zvikuru pachikoro chavo

Chikoro ichi chakavhurwa muna 1986 uye vadzidzi vekutanga vaive vaimbova varwi vehondo yerusununguko, vana chimbwido nana mujibha. Pari zvino chave kudzidzisa vana vevanhu ava, zvikuru sei vaye vanenge vatadza kupasa muzvidzidzo zve Ordinary Level. Pari zvino chikoro ichi chine vana vanodairka mazana matatu.

XS
SM
MD
LG