Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Kuchengetedzwa kweKodzero dzeVasope


Mutangamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti hurumende nemasangano akazvimirira zvinofanirwa kuwedzera zvirongwa zvinobatsira kuvandudza hupenyu hwevanhu vanorarama nehurema munyika.

Vachitaura pamusangano wakarongwa nesangano reZimbabwe Association for Albinos, VaTsvangirai vanoti kubudirira kwenyika kunoonekwa nekubata kana kuchengeta zvakanaka kwainoita vanhu vanorarama nehurema.

VaTsvangirai vanoti vanhu vakaremera, vakaita sevasope, vanosangana nematambuziko akawanda akaita sekutarisirwa pasi kana kusemwa. Vashorawo zvikuru vanhu vanotarisira pasi masope. Vakurudzira kuti vanhu vadzamisise pfungwa pane zvinhu zvakaipa zvakadai.

VaTsvangirai vanotiwo hurumende nemasangano akazvimirira zvinofanirwa kushanda zvakapetwa kaviri mukuona kuti kodzero dzevanhu vanorarama nehurema dzakosheswa.

Mukuru wesangano reZimbabwe Association of Albinos, VaRichard Nyathi, vanoti masope anosangana nematambudziko akawanda zvikuru vakarudzira hurumende kuti ivabatsire kuitira kuti vararame hupenyu hwune chiremera.

VaNyathi vanoti dzimwe nhengo dzavo hadzina chero mari yekutenga mishonga yekuzora muviri yavo kuti vasatsve nezuva kana kuita maronda. Vanoti hurumende inofanirwa kuwanira vanhu ava mishonga pachena, sezvairi kuita kuvanhu vanorarama neHIV/AIDS.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezveutano, VaHenry Madzorera, vavimbisawo kuti bazi ravo richaedza neparinogona napo kubatsira masope nemishonga nezvimwe zvakadaro.

Musangano uyu waitwa mushure mezuva rimwe chete sangano reUnited Nations Children’s Fund rapurura gwaro rinoratidza kuti vana vazhinji vanorarama nehurema muZimbabwe vari kutambudzika zvikuru.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG