Accessibility links

Breaking News

Africa Youdza ICC Kuti Isatonge Vatungamiri veNyika Vachiri paBasa


VaHailemariam Desalegn
VaHailemariam Desalegn
Vatungamiri venyika dzemu Africa, kusanganisira mutungamiri weZimbabwe, VaRobert Mugabe, vasangana mu Ethiopia neMugovera vakabuda nechisungo chekuti dare repasi rose, re International Criminal Court, ICC, harifanirwe kutonga vatungamiri vanenge vari pazvigaro.

Musangano uyu wabuda zvakare nechisungo chekuti ICC inofanirwa kumisa kutonga kwairi kuita vatungamiri vemu Kenyika.

Pari zvino dare iri riri kutonga mutevedzeri wemutungamiri we Kenya, Va William ruto, avo vari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu mumhirizhonga yakaitika mushure mesarudzo dzemunyika iyi muna 2007.

Mutungamiri we Kenya, Va Uhuru Kenyatta, vari kutanga kutongwa nedare iri mwedzi unouya.

Vachitaura pamusangano wezuva rimwe wechimbi chimbi, we African Union mu Addis Ababa, mutungamiri wehurumende yemu Ethiopia, Va Hailemariam Desalegn, vati ICC inofanirwa kuteerera zvakadzama nyunyuto dzenyika makumi mashanu ne ina dzemu Africa.

Vatungamiri vemu Africa vari kupomera ICC mhosva yekuita rusarura pabasa rayo, vachiti dare iri rinoda chete kutonga vatungamiri vemuAfrica.

Va Desalegn, avo vanova sachigaro we African Union pari zvino, vati kutongwa kuri kuitwa vatungamiri vemu Kenya nedare iri, kuri kukanganisa zvikuru, mabasa anofanirwa kunge achiitwa nevakuru ava munyika mavo.

Mutungamiri weSudan, Va Omar al Bashir, avo vari vapindawo mumusangano uyu, vari kudiwa nedare re ICC kuti vatongwe pamhosva dzavanonzi vakapara dzekupondesa vanhu mu Darfur.

Pakati pedzimwe nyaya dziri mudare iri, iro rine muzinda waro mu Hague, ku Netherlands, pane yevaimbove mutungamiri we Ivory Coast, Va Laurent Gbagbo, avo vari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu munyika yavo.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika mu Africa nepasi rose, uye vachidzidzisa zvematongero enyika pa Huddersfield University kuBritain, VaNkululeko Sibanda, vanoti ICC ine zvimwe zvinhu zvainofanirwa kugadzirisa mukuita basa rayo kuitira kuti ionekwe nenzira kwayo.

Hurukuro naVaNkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG