Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muSouth Africa, chakatanga chikoro chekudzidzisa vechidiki mutambo wenhabvu.
Cavin Muodzi anoti akatanga chikoro ichi achishandisa mari yake yaanotambira pamwedzi kubasa kwake.
Muodzi, uyo akatanga Harvest Soccer Academy muCape Town mugore ra2016, ane makore makumi maviri nemana ekuzvarwa.
Anoshanda muhotera achipa vanhu chikafu. Mari yaanotambira, pamwe neyemubhasera yaanopihwa, ndiyo yaakashandiswa mukuumba Harvest Soccer Academy.
Muodzi anoti ane vechidiki makumi mana nevatatu, uye chikoro chake chine zvikwata zvemazera zvitatu; chokutanga chine vana vane makore anotangira pagumi nemaviri, chechipiri chine vana vane makore gumi nemana, uye chechitatu chine vatambi vane makore gumi nematanhatuzvicikwira.
Muodzi anoti chinangwa cheHarvest Academy ndechekusimudzira nhabvu yevechidiki, kuderedza misikanzwa, uye kudzidzisa vechidiki kuremekedza vanhu vakuru.
Muodzi anoti pane matambudziko akawanda akatarisana nechikoro che Harvest Academy, ayo anosanganisira kushaikwa kwezvekushandisa.
Muodzi, uyo anotambawo nhabvu, anodzidziswa nechimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinotamba nhabvu uyewo chine ruziwo rwakadzama munyaya dzekudzidzisa nhabvu, Hilton Masunda.
Masunda anoti Harvest Academy izano rakabva kusvondo yavanopinda naMuodzi, yeNew Beginnings International Harvest Church, iyo inotungamirwa nechizvarwa cheZimbabwe, Pastor Irene Mapininga.
Masunda, uyo anodzidzisa vana vane makore ari pasi pegumi nemaviri pachikoro cheHarvest Academy, murairidziwo zvakare wenhabvu pachikoro cheSt Joseph’s Marist College makare muCape Town.
Mumwe ari kudzidziswa nhabvu pa Harvest Academy,Ricky Bongani Majimbo, anoti ari kudzidziswa zvinhu zvakawanda pachikoro ichi.
Mumwe wechidiki, Tinotenda Zvinounye, anoti matambiro ake bhora ashanduka, nekuda kweruzivo rwaari kuwana pa Harvest Academy.
Kunyange hazvo Muodzi achisangana nezvipingaidzo mushuviro yake, anoti izvi hazvisi kuzofa zvakaodza moyo wake.
Facebook Forum