Accessibility links

Breaking News

Imwe Kambani Yozvipira Kurwisa Huori Munyika


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Imwe kambani yoita hurongwa hwekuzivisa veruzhinji zvakaipira huori uye kuti hwungapedzwa seyi munyika. Ve International Controls Institute of Zimbabwe vakokawo Makurukota ehurumende, veruzhi uye vemabhizimisi kuzvirongwa zvavo zvekuparidza nezvehuori munyika .

Vanoti vari kushingirira kubatsirawo nepavanogona napo chero isiri nyore, kuti nyika izosvika painoti huori hwaperesesa. Dr Proctor Nyemba, sachigaro vesangaon iri vati sezvo hurumende iripo yakabvuma kuti huori hwuri kuuraya nyika uye mafambiro akanaka enyaya dzehupfumi, idonzvo ravo rekupedza mhando dzose dzehuori munyika mumakore mashanu anotevera.

Vacchitaura nezvezvimwe zvirongwa zvavainazvo zvekudzidzisa veruzhinji nzira dzekurwisana nadzo huori munyika, vati hove inotanga kuora nekumusoro saka mukubata makurukota ehurumende nevakuru vakuru vemakambani, zvinoita kuti ruzivo rewuori rwu pararire zvakanyanya nemapazi ari kuzasi dzamara munhu wese apinda mugwara rakanaka.

Vatiwo hurongwa uhu hakasi kekutanga vachihuita asi vakatanga gore rakapera uyo vanovimba kuti vacharamba vachi ita izvi kusvikira vaona kuti nyika ya gadzirisika zvakanaka.

Hurukuro naDoctor Proctor Nyemba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG