Accessibility links

Breaking News

Red Cross Yokurudzirwa Kuwanikwa kweMvura Yakachena


Sangano re Red Cross rinoti dambudziko rekorera richaramba richienderera mberi kana vanhu vakasawanirwa mvura yakachena. Red Cross yaburitsa gwaro rinoti huhwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hunokwanisa kukwirira munguva pfupi inotevera.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera, vasvika pa 98 349, uye vanhu vafa nacho vasvika 4 276.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro nemunyori mukuru wesangano iri, Amai Emma Kundishora, kuti tinzwe zviri kuitwa nesangano ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG