Accessibility links

Breaking News

VaSimon Khaya Moyo Voitwa Sachigaro veZANU PF


Matunhu masere eZANU PF atsigira mumiriri weZimbabwe ku South Africa, VaSimon Khaya Moyo, kuti vatore chigaro chasachigaro webato iri, pamusangano mukuru weZANU PF uri kuitwa mwedzi unouya. Munhu anofanirwa kusarudzwa nematunhu matanhatu kubva pamatunhu gumi kuti atore chigaro chinenge chichikwikwidzwa.

VaMoyo vari kutarisirwa kutora basa ranga richiitwa naVa John Nkomo, avo vakatsigirwa nematunhu akawanda kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri.

Mutungamiri weZANU PF, VaRobert Mugabe, vakasarudzwa pasina anovakwikwidza. Mutevedzeri wavo, Amai Joyce Mujuru, vacharamba vari mutevedzeri wemutungamiri webato iri, zvichitevera kutsigirwa kwavakaitwa nematunhu masere.

Vamwe vange vachikwikwidza chinzvimbo chasachigaro webato iri ndiVa Didymus Mutasa, VaObert Mpofu, pamwe naVa Kembo Mohadi. Asi VaMohadi vazobuda mumakwikwi aya vachiti vava kutsigira VaMoyo.

Professor John Makumbe vanodzidzisa zvematongerwo enyika pa University of Zimbabwe. Studio7 yaita hurukuro naVaMakumbe kuti tinzwe pfungwa dzavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG