Accessibility links

Breaking News

Mvura Yotanga Kunetsa Kuwana Zvakare muHarare


Kanzuru yeHarare inoti kushaikwa kwemvura mudzimwe nzvimbo dzeguta iri kuri kukonzerwa nekushaikwa kwemamagetsi.

Nzvimbo dzemuHarare dzakaita seBudiriro, Glen View, Glen Norah neWarren Park, hadzina mvura kwesvondo rose.

Izvi zviri kupa kuti vagari vemunzvimbo idzi vatyire hupenyu hwavo kuzvirwere zvakaita sekorera nezvimwe.

VaEmmanuel Chiroto ndivo mutevedzeri wameya weHarare.

VaChiroto vanoti kunyange hazvo vari kuedza nepavanogona napo kugadzirisa dambudziko remvura, vari kusanganawo nedambudziko rekushaikwa kwemagetsi izvo zviri kuita kuti mutoro wekanzuru yavo ureme zvakanyanya


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG