Accessibility links

Breaking News

WOZA Inowana Mubairo weRobert  F. Kennedy


Nhengo mbiri dzeWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu naAmai Jenni Williams, vari muWashington kunotambira mubairo wavakawana wekurwira kodzero dzevanhu, we2009 Robert F. Kennedy Human Rights Award.

Kunyange hazvo zvinhu zviri kuramba zvakaoma munyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe, sangano reWOZA harina kubvira radzokera shure munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu.

Zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemushandirapamwe, veruzhinji vakambofunga kuti zvinhu zvaive zvava kuzoshanduka munyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, asi kutyora kwekodzero dzevanhu kuchiri kuenderera mberi.

Muzvare Mahlangu vanoti kunyange hazvo zvinhu zvava kunge zviri kugadzikana munyaya dzehupfumi, zvinhu zvakawanda zvichakangoomera vanhukadzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG